Farmhut Iya Yava Murudo

Farmhut Iya Yava Murudo

Mazuva apfuura aya ndakambonyora something about Farmhut  iyi.Yanga ichangobva kubura kamwe kachidhoma kayo so kanonzi uMudhumeni plus futi neimwe mibairo yayanga yawana yakati ooh.

Nhasi ndadzoka futi ndakutaura nezvayo.Yaa finally zvaita Farmhut iya yava murudo haichazi single anymore. Yawana mudiwa wayo zvinhu zvinofadza yanga yanyanyawo kuchovha makore iri single.

Shasha yacho yangotirova nechi surprise mumastreets.Nematuriro ayo yanga ichiratidza kuva nekamwe ka excitement so.Zviri kuratidza kuti yawira nemoyo wese ha ha kuita kuti dyoooo.

Mazvionera kaa kuti yakudanana na Zimbabwe Farmers Union(ZFU) umwe musikana so wemumaStreets imomu muYellowbone.Haa dzinza gore rino richazara vana vatsvuku twuma karadhi.