Interview Yebasa Yandakaona Rima

Interview Yebasa Yandakaona Rima

Ndaitotamba Fifa hangu foni call ndobva yapinda paya.Ndakabata foni iya ndione number yairatidza kuti iyi ndeye muma office. Ndobva ndadaira paya.

Hello ndini uyo ndichidaira ndakabva ndanzwa voice remunhukadzi richidaira. “Hello Mr Thulani muri kutaura na Chipo weku X Ltd muuye ku interview mangwana na 10am “. Pandakanzwa izvozvo hana yangu yakabva yatanga kurova kana mudumbu makatodairira ndikati yuwi maihwe chachaya.

Apa panga pane suit one ndiyo yega yandanga ndinayo ine tsvina futi.Ndakushaya kuti ndodi ndobva ndati yaa pamwe shamwari yangu Takudzwa haangashaye kana one extra.Ndini uyo kumba kwana Taku.Hakuna kwazvakasvika ndakafambira mahara suit extra yacho yaitova parachute hayo.

Panga pasina option ndobva ndawacha suit iya. Ndakangoinyika nyika mu surf nekubuditsa nekudzumburudza apa anga ari masikati ndakangoti hameno pamwe ichaoma. Ndakayiyanika pa Washing line raiva paseri pemba.

Ndanga ndisina kugadzirira kani ndobva ndatanga kuita browse ma possible questions angauuye nezvimwewo.Ndanga ndakutoita kunge munhu akuda kunonyora zama.

Fast forward ava manheru suit iya haina kuoma.Ndakabva ndafunga plan ndobva ndaisa suit iya pamberi pe Feni yaa ichirohwa nemhepo haa yakatooma kaa.

Ndakazorara mangwana acho kuma 2am ndichiita browse browse zvinhu zve interview iya.Alarm ya 5am ndobva yarira ndini uyo kuno Aina (Ironing) suit.

Kuma half six ndobva ndabuda paden hangu kunobata makombi ekutown kubva mu Ruwa.Ndairova kamwe ka step kekuzvi filla mabhebhi achingonditarisa tarisa ndanga ndakachena kaa kuita kunge manager.

Fast forward ndamu town paye ndobva ndaita hire tax zvanga zvakanaka kaa ma days aya yaiita $3 kusvika ku Ardbennie ndokwanga kune kambani yacho.Na 9:00am ndanga ndatosvika muna Ardbennie muya ndobva ndasiwa pane chimwe chi corner close nekambani yacho.

Time dzakabva dzafamba na 9:30 ndobva ndasvika pa gate rekambani iya. Ndakasvika patorine umwe musikana anga akatorovawo suit. Ndobva ndamuti hi.Nyaya dzikatotanga kutsva paya tichivhunzana kwatogara chii chii ndikatopihwa number.Takabva tanzi pindai mukati musikana ndiye akanzi ngaatange kubaya ini ndobva ndanzi pinda mune kamwe ka room so.

Ka room kanga kakanaka ikako masofa matepfe tepfe apa kwakabva kwauya drink nema biscuits.Ndakanakirwa ndikatombokanganwa kuti ndanga ndafambira zvei apa Tv iri on kuchibuda firimu.

One hour rakatopfuura ndiri muka room kaya then pakazongoouya umwe musikana. Ndiye wandainge ndataura naye pafoni Chipo zvikanzi “come this way sir”.Ndakamuteera akutanga kunditi wagadzirira here ndikangomuti yes ndobva aiita wish me luck.

Ma checkpoints emukambani iyi kaa anga akawanda ndaitoita kunge ndapinda mu bank yowe too much security.Ndakazongoona ndasvitswa kune mamwe ma offices ari mukati.

Ndiri munzira na Chipo uya ndobva ndasangana nemusikana uya wandanga ndamboona pagate.Ndikamuvhunza kuti kwanga kuri sei akangodzungudza musoro.

Hana yangu yakabva yatanga kurova bamu bamu haa ndanga ndakutya. Ndobva ndapinzwa mune kamwe ka room so kanga kane vanhu 8 .Ndobva ndanzi welcome sir you may take a seat.

Ma intro akatanga kurohwa each munhu anga ane mivhunzo yake yake aimiririra ma departments akasiyana siyana.Ndakangoti nechemumoyo ndinopona here apa.Zvichiri zve interview here izvi.

Ndobva vatanga kuvhunza mivhunzo paya haa zvese zviya zvandanga ndaiita browse browse zvakabva zvabuda mumusoro ndakabva ndazvikanganwa.

Ndakaona ma stars kani kana zama re Zimsec riri nani.Starting from scratch kuzama kupa ma answer ne my own knowledge.

Ma Interviewers vaingoseka nevanga vasingade kuseka vakaseka yanga yakuita kunge show ye comedy.Then umwe akazovhunza kuti unofarira artist upi ndobva ndamuti Jay Z .Mufesi iyeye got excited zvikanzi yeeah ndiri a fan ya Jay Z futi .Akundivhunza kuti nderipi Album raunofarira rake ndikamuti 4.44. Nechemumoyo ndikati yoo zvichiri zve Interview here izvi.

Boom boom ndichipihwa ma claps nemivhunzo one hour rakatopfuura . Interview yakabva yapera Chipo akabva afonerwa ndobva auuya kuzonditora.Ndakangobuda muroom vanhu vachingoseka vamwe kutobuditsa misodzi. Ini personally ndanga ndakutotemwa nemusoro ndakutoita kunge munhu akurwara zvekutoti ndakapotsa ndadonha.

Chipo uuya akundivhunza kuti zvanga zvirisei ndakangomuti zvanga zviri bho. Ndichizvishingisa but deep down ndaitoti apa ndauuya kuzoperekedza vamwe dai ndaswera ndakarara zvangu kumba ndafambira mahara.

Fast forward pakuda kudzokera kumba makombi ndobva atanga kunetsa.Plan ndeipi ndobva ndachekerera nekamwe ka sango ndakazongoona ndamu Mbare National yanga iri first time yangu kupinda mu ghetto iri.

Ka nice ghetto ndakatoita wish kuti dai ndaigarawo kuno .Ndakabva ndaona Kombi yaitodedzera town town ndobva ndaipinda ndini uyo kumba kana nzara handina kumboinzwa.

Day rakapera vanga vataura kuti kana zvaiita they will call back kupiko hapana call yakapinda ndakabva ndaziva zvabuda musarudzo.

Ndakatombokanganwa nezvazvo then after 3 weeks l got another call zvikanzi huya ku Interview na Chipo uya apa it was for a different Job role.Nechemumoyo l was like Wtf not again vanhu imi hamude kuti ndiwane peace here . It’s a story yerimwe zuva to be continued….