From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 4

The year was 2018, I was a freshman, ini hangu Shaddy mwana waVHERONIKA akakurira kuGokwe. “Besty, welcome to my place, it’s pretty junky though” akabva adero hake Kim. Muhupenyu hwangu hwese ndiri kuGokwe ndanga ndisati ndaona zvakadero. Room yake yanga iri smart semota ya blesser. Apa kunhuwirira manje… “Make yourself at home Shaddy, feel free” akabva adero hake achinogara pachi single bed chaive mu room make.

Ndakaringa ringa looking for somewhere to sit but ndakashaya. Chokwadi ipapo ndaive ndakapusa zveshuwa, ndakabva ndagara pasi kumakumbo kwe bed rake. Mwana akaseka hake, ini ndanga ndongonyara ndakushaya kuti iyi ndeipi manje. “Shaddy unopenga chete, come sit here with me pa bed, I wanted you to join in pane this series rinonzi ‘Lethal weapon’ it’s really great” Eish MAI VANGU VHERONIKA IWEEEEE. Ndakadero hangu nechemumoyo, ko ndanga ndapisira zvee. 

Ndakatarisa tsoka dzangu ndikaona ndine bhutsu…. Damn…. Ndandine masocks aingovhara mupimbira chete, aiita sema leg warmers cause anga asina pasi, ma socks evakomana anowanzoita ma ‘potatoes’ but angu aive nema ‘cassava’ chaiwo. “So you were not lying kuti unobva kuGokwe handi?” akabvunza Kim. Nxaa ko rhetorical question yacho ndakamboipindura here, ndakabva ndango muvhara vhara saying I wanted to act funny. Thank heavens haana kuzoti bvisa bhutsu, ndakabva ndango chilla pa bed naye tichiona series rainakidza zvekuti, kubva musi iwowo ndakabva dzazvipa nickname ra protagonist we series, Riggs, Martin Riggs.

Anyway takaona about two episodes ndobva tatanga kuona kamwe ka romantic comedy kanonzi ‘Dirty Grandpa’ haaaa vakomana kaaaa, that was really a bad selection cause vanoriziva movie iroro vanoziva kuti rine moto muzhinji. Kim aive reserved hake but ndainatsoona kuti mmmm mwana atambudzika nekushoshwa shoshwa netwuma feelings. Hameno zvakabvepi, we just stared at each other for thirty seconds, ndaingonamata kuti asatarise the southern direction cause papaipa. 

We kissed, let me rephrase, akabva andi kisser. Lucky for me ndaive umwe munhu ari pa 65% yevanhu vanokwesha mazino muZim so handina chandaitya. Hameno kuti zvakabva nekupi, I just realised myself saying “Ko nhai Kim, waka register ku voter here?” vakomanaaaaaa haaa nyaya dzekutya ma bby idzi, that statement was a really big turn off asi hameno ndakaritaurirei nhai, of course every Zimbabwean those days was obsessed with oparesheni restore regasi, and everyone was in election mode since muna July we were to vote. “Of course I did, and in July I’ll vote like many young people in Zimbabwe, can you shut up now?” akabva adero hake. Who was this girl? ndakazvibvunza hangu. 

Anyway platform ino haindibvumidze kukuudzai zvakazoitika so ndakusiyawo imagination dzenyu dziite basa. 
Makuseni ndakabva ndamuka ndakaneta, apa smile iri from ear to ear seya The Joker, villain iya yeku DC. Ndakabva ndaita fast fast kuoneka Kim coz nyadzi dzaive hobho sema followers a Tudzaa pa Twitter. By the way you guys should follow me mumastreets @UncleJimmy_diva pa Twitter and Insta. Kkkkkkkkkkkk.

Right anyway ndakabva ndangogeza kumeso pa sink yaive panze, ndakudzokera ndakasangana na Landlady va Kim pa door. Vaiti vakakutarisa ziso ravo raitaura something, vakandipa ziso riya rekuti mupfana iwe kumeso kwako kwakanyangara. Ndakabva ndavati mamuka sei vakabva vandipa rimwe ziso raiti mpfana iwe unobva Gokwe chete. Ndakabva ndaoneka ndobva ndarova speed ndakananga kudhen kwangu. I was longing kuudza Dereck my roommate uya wandakati aigara ku Harare if you read part 2 of this story. Anyway ndakabva ndananga door redu.

I didn’t knock, ndichingoti door vhurei kudai ndakabva ndanzwa zi smell redoro mu room. Mukomana anga aka knocker alreadry apa apa arutsira registration form rake that had to be submitted to school that very day.  Ndichiti baaa kudai ndakabva ndaona changani bag rangu rakarutsirwa mukati, apa ndomaive nehembe dzangu dzese especially dzekuendesa ku xul that day…. mai vangu VHERONIKA iweeeeeeee…..

TO BE CONTINUED….

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3