Mombe Dzoita Mabiribobi NeChibuku

Mombe Dzoita Mabiribobi NeChibuku

Tainge tavhara zvikoro kaa paye.Apa ndanga ndane time ndisati ndatsika kumusha. Ndanga ndiri grade 5 ipapo. Life ichiri kufaya .Vanhu vepaden ndokuti Kisimusi ne New year zvegore iroro taizvitambira kumusha.

Eish kumusha futi here apa ndanga ndajaira magetsi chii chii ka salad life . Vanhu vepaden vaigara vachingokusimbisa vachiti hakuna magetsi.Apa ini ndikati ndaitya rima sei. Zvinobva zvandifungidza paya pandakarwa nemuroyi husiku.

Yaa ndadzoka ndanga ndambomhanya kunoona thread ra Tonnie kuma Twirra streets riri kupisa mmm.

Fast Forward zuva rekusimuka rakabva rasvika.Zvinhu zvese zvakarongedzwa bho bho. Tikabva tasimuka muRuwa somewhere around 8am takananga ku Bindura ndokwaiva ku roots kaa. Mazuva iwayo taiva neka Peugeot 306, kaive nice and neat but kaindibhowera nhau yekunanaira or maybe pamwe munhu aikadraivha panguva iyoyo ndiye aisada hake zvekumhanyisa stereki.

Tiri mu journey kudaro ndaingotarisa kunze nepagrazi ndichiyeverwa nema buildings, pamwe ndichiverenga miti pamwe nekuvarairwa nemota dzaipfuura nerimwe lane.Eish mazuva aya Harare- Mutare road iya yanga isati yava a double carriageway.

Then bvatapinda mu road yekubaya Bindura iya mota dzaive shoma dzanga dzisina kuwanda stereki so haa maifambika bho.Tikapfuura Mazowe Dam iya but mu Dam macho maisanyatsooneka coz miti dzainge dzakawanda saka view yanga isiri clear stereki.

Tati fambei fambei somewhere in-between Mazowe ne Bindura handichaziva exact point chaiyo.Time dzanga dzava kuma 10am ikoko .Then ndakabva ndaona mota dzakaita line then nechepamberi paiva nechilorry che Delta changa chadonha ne side. Kuratidza kuti panga paitika an accident.

Ma Crates ehwahwa ma Scud aya kuita kurasikira mu road. There was this Benz yaiva nechepamberi pedu mbichana. Makabuda umwe musikana so ku backseat akangomhanya kunhonga crate nekudzokera naro mumota ndakashamisika. Coz mupfungwa dzangu ndaiti vanhu vane Benz vanhu vane bag kaa havaite twunhu twusina basa but eeh.

Yaitova howe howe panga pasiri kupfurika so we got stuck ipapo, then pasinaa minutes pakabva pauuya dzimwe mombe so ndofunga ndanga dzarasika chete.Dzikatanga kumwa hwahwa hwuya hwanga warasikira muroad.Ndofunga dzaifunga kuti imvura here but dzakaumwa hwahwa hwuya.

Apa ndopandaiva panze pemota kaa ndaisada kupfuurwa nekuda kunyatsoona zviri kuitika.Mombe dziya dzakabva dzadhakwa dzimwe dzikatanga kudzedzereka.

Ndanga ndisingatozive kuti mombe dzinodhakwawo kaa.Dzimwe ndobva dzarara muroad kutogaramo iii.

Mombe dzikati dzatanga kuita noise mhuuu mhuuu dzimwe dzikatanga kuita ma weird sounds zvekutoti waifunga kuti pamwe imbwa dziri kuhukura.

Mombe dzakatanga kumhanyisa vanhu pakatizwa kani.Vanhu vakatombokanganwa zvekutora ma crates ehwahwa. Vakadzi ava vachi screamer.Pane vamwe blaz vakaita munyama mmm vakatungwa garo iri haa vakaponja kuita flat tyre one side. Ha ha ha ndakungoseka .Zvakaitika ipapo kaa zviri out of this world.

Vamwe vakatizira mumiti imomu vamwe mukakomo kaiva padhuze so,vamwe mumota dzavo. Chimwe chibhuru chakatanga kuuya chakandinanga ndaka mhanya ndikanotizira mumota ndichichema.

Hwahwa hwakaoma mombe dzakaita drama.Apa time manje dzanga dzafamba eish takutononotswa kubaya .Mapurisa akazouya time time kuzogadzirisa zvinhu .Pakazotsvagwa rimwe team rakazo tinha mombe dziya kuti dzibude muroad.

Takazokwanisa kubva pa spot yacho kuma 1pm ikoko apa ini ndanga ndakutonzwa nzara.

Fast Forward takasvika kumusha bho .Tiri kumusha kudaro takazongonzwa mamwe makuhwa ekuti mombe dziya dzakasara dzichikonzeresa futi.Kudya muriwo wevanhu dzimwe dzikaruma ruma hembe dzevanhu.

But Zvemusi uyu zvakandikatyamadza zvekuti nanhasi ndikangozvifunga ndongotanga kuseka zvese nekunzwa tsitsi kuna blaz vekutungwa vaye cause haa mombe idzi dzakaita chisionekwe mimba yesvosve chaiyo.