Fibre yeTelOne Ikufaya So Far
Ndakaita ma years akati ooh ndichizama kuda kuwana sim card re TelOne. Haa zvakaramba ndakatosiyana nazvo zve sim card ravo.Ndikamboda kuzama ADSL yavo zvikaramba futi kkk tambo kwanga kusisina dze ADSL dzapera kubiwa. Ndaingoti haa munyama wega wega.
Then gore rino ndakazongorovera moyo padombo ndikaisa fibre yavo paden. Hazvina kumbotora mazuva akawanda kuti iiswe paden. First day ndakaita fill ma forms, second day ndikanzi huya uiite payment, third day team re installation ndobva rasvika paden rikaita ma settings acho.
Ndoyanga itori better option since mamwe ma Telecoms akuponda kuma 350usd kuti munhu uise fixed Internet dzavo paden. Apa ndakangobuda 120usd kuisa TelOne fibre. Installation fee 60usd plus modem 60usd. Modem ndakaita rekutsvaga ndega mutonaz imomu.
Pakuzotenga bundle ravo ndakambotanga nere 30 dhoraz rine 160gig. Ma downloads speeds anenge achitambira kuma 4 point something Mbps. Hantie vakatswinya ma speeds kugumira pa 5mbps. Ndaitoshuirawo kuti dai vakamawedzera kupfuura apo.
Why TelOne Fibre?
1) Kubva zvandatanga kuita subscribe TelOne Fibre ndane less headache pamasai sai.Yakangoita fault ka1 zvema hours mashoma shoma. Vakakurumidza kuita solve dambudziko racho. Kumwe uko unoita zuva rese, mavhiki or ma days akati ooh usina network.
2) Munhu unonyatsoita stream zvaunoda bho pasina kana ma scratches matywiki tywiki. Vamwe avo handichataura mazita inenge ingori loading loading neku freezer freezer.
3) Customer care yavo ine rudo nevanhu unonyatsonzwa kuti uyu munhu akuda kukubatsira dambudziko rako. Kumwe uko unenge wakutoita kunge ukunetsa vanhu. Pane kwandakatomboudzwa kunzi kana maona zve network yedu isingakuitirei bayai henyu kumwe. I guess ndakaita good choice ndikabaya ku TelOne fibre.
4) Magetsi akabaya network yavo inoramba iriko chako munhu kutsvaga backup power yekuita power router rako chete. Woyo kumwe kuma networks uko magetsi akabaya inobva yabayawo. Manje uku ku TelOne fibre hakuna izvozvo.
5) Magig ako munhu ukanyatsomabata bho anofamba mushe mushe haakurumidze kupera sezvinomboita kumwe uko.
I hope kuti masai sai avo acharamba akadai. Vakangobhaiza chete munondiona ndichidzoka ndichipopota ku blog rangu rekupenga iri.