MaFelebs Ovharirwa Panze

MaFelebs Ovharirwa Panze

Nezuro Zuckerberg akaita mashura kuvharira vanhu panze vemastreets e Facebook , WhatsApp ne Instagram. Vanhu vakaita mazi hours vari offline. Ndakatombofunga kuti bundle rangu rapera ndikapotsa ndatenga rimwe. Since ndakapera (Rtd Tweleb)  mazuvaano ndiri kutambira ku village (Facebook) ndichidya penjeni yangu. Zvakaitika nezuro zvakandipinza chando ndanga ndatone stress.

Vanhu tanga tajaira kuti chinhu one ndochinodonha manje apa zvakadonha zvese zviri zvitatu. Vanhu vakapera kutizira muma Twirra streets nemamwe ma streets e Telegram, Sasai, iMessage etc. Zvekutoti mazita ema socials andataura padenga apo achiri kuto trender mumastreets. 

Panoitika zvinhu zvakadai it's obvious vanhu vanenge vachitoda kuziva kuti chii chakambonyatsoitika. Chief Technology Officer (CTO) weFacebook ane mashoko aakataura mumastreets maererano nezvakaitika. 

Vanoda kuzonzwa mashoko acho azere munomabata apa. Zvakaitika zvakakanganisa zvakawanda wanda l hope kuti hazviitike futi. Chakungodiwa apa kusimbisa zvedu zve local anana Dandaro Online ne Sasai