Ndaablokwa ne Econet

First time yangu kublokwa nevanhu vemasai sai zvinotoshura. 2025 zvaari ma1. Nezuro manheru 28 Kukadzi ndakangoti regai nditumire zvichemo zvangu kuvamiriri ve Econet ku DM kwavo kumastreets eTwitter. Ndofunga vakanzwa nungo dzekuverenga coz ndanga ndatumira rondedzero chaiyo.
Handina kumbovatuka kana kuitasei ndaitonyatso tsanangura ma issues angu nezvandiri kusangana nazvo network yavo ichingoita kakudzima dzima so kunge magetsi akuita on and off. Senge mwedzi wabva uyu SmartBiz yavo yanga iri kushungurudza.
Ndangoona inbox yakuti you can't dm this user wat wat apa ndaive ndiri pakati peku typa. Ndikati regai ndiite click username ravo ndione profile yavo wanikwe boom blocked aah. It's like kublokwa nemusikana waunenge uchida kutaura naye uri pakati peku typa. The feeling iri very awful unonzwa kunge warambwa so. Dai ndanga ndine Ex inoshandako l would understand kuti pamwe ndiye akandibloka ha ha.
Ndozvimwe zvinowanzoita kuti ndisaiite DM ma service providers mazhinji emuno. Unenge uchiita kunge ukuvanetsa so. Chete hazvindishamise ma customer services emuno mazhinji mamwe iii ma1. Hantie ndakambokuudzai imwe yeku Bank yandakamboitwa makore abva aya zvekuti ndakutotya kupinda mumabhanka emuno mazhinji. Then kumwe vanoita zvemasai sai ndakambonzi kana muchiona kuti masai sai edu haasi kukuitirai bayai henyu kumwe. Apa unenge uchipa zvichemo woudzwa zvakadaro.
Anyway nezvavakandiita izvi ndakutoita ma adjustments.
1) Ekuenda kumwe kwekuti ndobatwa mushe. Paunenge usingadiwe or paunobatwa rough munhu kusiyana napo.
2) Ekusatumira zvichemo ku DM kwavo coz ii vandiratidza kuti havadi zvichemo ukutovanetsa.
3) Ndikasangana nema network and other issues l just wait for them to resolve themselves.