SmartBiz yeEconet haichanake yakushata

SmartBiz yeEconet haichanake yakushata

Ndaimbobhiga SmartBiz yeEconet mazuva apfuura aya. Yainakidza kushandisa zvekuti ndakatomboita twuma articles twakati ooh ndichiikuza. Yainakidza iri stable zvekuti hawaimboita dambudziko. 

Now yadhakwa handizive kuti chii chiri kumboitika. Vamiririri vacho vanenge vakuzvitadzawo. Iri kuita zvainoda kuita zvima on and off. Senge ma peak hours inotanga kunanaira hayo zvekuti hapana zvaunoita. Unobva wafeeler kunge warasa mari to be honest.

Nemari yaunenge wabuda kutenga Data re SmartBiz. Zvobva zvatanga kudaiso zvoita kuti munhu utize uende kumwe kuri nani. This past week mumastreets eTwirra ndanga ndiri kuona vanhu vakati ooh vakuchema chema nezvayo SmartBiz vachiti ma speeds adzikira. Vamwe ndovaiiti vakaudzwa nevamiriri veEconet kuti vakakwapaidzwa ne fair usage policy.

I hope kuti vamiririri veEconet vachaongorora kuti chii chikuitika, vazvigadzire SmartBiz itange kufaya semafairo ayaimboita kudhara.