Twitter Yobviriswa NaSweet Fifi(chidhori choparadza musha wemunhu)

Vanhu vazhinji vavhunduka nekukanuka nenyaya yakabuda pachirongwa cheConfession Sunday chinoitwa svondo rega rega naTete Fadzie paTwitter.
Nyaya iyi yaenda nemukurumbira uye iri paTrending. Inyaya yemurume uyo afunga kuramba mukadzi nekuda kwechidhori chebonde chaakatenga mhiri kwemakungwa. Chidhori ichi anochidana nezita rekuti Sweet Fifi kududzira mutakunanzva wachinobura.
Sweet Fifi apengesa muranda rume. Zvekuti ave kufunga kuramba mukadzi onorojera chidhori ichi imba kana kunogara nacho kufarm. Pari zvino hatina ruzivo rekuti chidhori ichi ndecherudzi rupi or chinoshanda sei.
Confession #14 Hezvo ???? pic.twitter.com/0uLCnbVCYs
— Tete Fadzie (@RealTalkFadzie) April 17, 2022
Mushure mekubuda kwenyaya iyi pabuda mifungo yakawanda wanda vamwe vachiti inyaya yenhema, vamwe vachiti inyambo uye vamwe varikufungira kuti imarketing strategy yekutengesa zvidhori zvebonde zverwudzi rwaSweet Fifi.
Tichange tichikupai zvizere nekufamba kwenyaya iyi. Asi parizvino tirikungobata minamato kunamatira musha uyu wapindana nemuedzo waSweet Fifi.
Kana Zvidhori zvichipedza ma sports ko artificial intelligence mungazoigone here askana? pic.twitter.com/GAHKsCkj3U
— Gweru Kid. (@mwanawemugweru) April 17, 2022