Top 5 Yangu Mubhama 'The Boom Baptist'

Top 5 Yangu Mubhama 'The Boom Baptist'

Iri ndo bhama rakandishupa kuita top 5. Ma tracks acho anonyaya kunakidza. Lyrical content iripo apa mmm yakanyanya. Pama bhama ese akabuda gore rino so far iri ndo the best. Ndoyandinoti international stuff futi anotokunda vamwe vaimbi vakupisa kunze uku. Maflowero anoita REAP3R haumbofunge kuti muZimbo munhu unotogona kuti hamenowo munhu wekuChando uko. Ndakuchitaura top 5 yangu mubhama iri.

1) Soul On Wax apa aka feature Stevenz, munhu uchitanga kukanzwa so unonzwa kupindwa nechando. Uyo anonzi Stevenz ndatotanga kumuzivira ipapa ane voice rakazhowezhera so haa rinonakidza kunzwa. 

2) Can U Feel This apa aka feature CVerb ndatotanga kumuziva ipapa she is so good. Voice rake musikana uyu riri natural zvobva zvasanga nera REAP3R achiflowa zvobva zvaita kaku rymer.

3) Honesty apa aka feature Golden Scepter munhu munyowani kwandiri futi. Apa REAP3R anga achiita kuflowa zvandanyanya kufarira abva andifungisa classical hip-hop. 

4) Matarenda apa handina zvakawanda zvekutaura chingonozvinzwirai kakaipa.

5) The Rain aka kakuita kunge kechinyakare like classic hip-hop so. Kanospaka ndanzwa nekukadzokorodza ha ha kana munhu usina kusimba unobuda shavi nako aka. 

Maiona top 5 yangu iyo vanoda kuzonzwa full bhama munobaya apa