Africom yakambondirera madays data paranga riri kudhura. Ndakambochovha nayo kwemakore akati ooh. Ndichishandisa line rayo re CDMA. Yaive netwumwe twuma unlimited packages twanga twuri bho.

Ndakapedzesera kujusa kachinzi kari pa 20usd unlimited monthly. Munhu waingoti chikuru kuve connected. At least ndaikwanisa kubatika mumastreets nekuita some streaming. Parezvino line ndakamboriisa mudrawer. Last time yandataura nayo they were working on phrasing out iyo yema lines ayo e CDMA and focus more ku Fixed LTE.

Anyway back to nyaya, ndakambotaura nezvayo kublog rekupenga kuno mazuva apfuura aya ndichitaura nezve kaapp kayo kanoita kuti ufonere mamwe ma networks zvebhakosi. Apa ndadzoka nezvimwe zvekupenga.

Ndatoshamiswa kuti yakuita nezve fibre futi ikufamba nebhora. Zvakawanda zvairi kubata bata l can’t keep up. Ndichazonzwa kuti ma installation cost efibre yayo akamira sei.

Fixed LTE ndeyekuti vanouuya voisa ma items avo paden ekuti ukwanise kuve connected. Iyi vanoruma vanenge vachitodedzera kuti buditsa 350usd just for installation. Ma packages ayo ndiwo amuri kuona pamufananidzo uri pazasi apa, ari unlimited ese. Iyi hakuna kwaunobaya nayo inongoramba iripo panhu one.

I hope kuti Africom ichaita internet yema lines e4G or 5G iya yekuti tokwanisa kufamba nayo kwese kwese. Nekudzikisa ma installation cost pa Fixed LTE yavo. Mamwe ma packages ayo anoda kubatwa batwa odzikiswa mutengo. Ikangodaro chete inoona vanhu vachipiringishana kumahofisi ayo.

By tudzaa

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *