ASAPH Adonhedza Vhidhiyo Nyowani

ASAPH Adonhedza Vhidhiyo Nyowani

Muimbi Asaph adonhedza vhidhiyo nyowani mazuva apfuura aya re trck rake IDOLATRY. Uyu ndiye best hiphop artist muno muZim anorova ma bars and anogona kunyatsoflowa zvinonakidza kunzwa. Munhu unonyatsonzwa kuti apa ndiri kunzwa music International treasure. 

 

 

Munhu akafunga ka concept kekuti ku background kwe video kunenge kune ma artworks akapenga. Ndakafarira vhidhiyo racho riri dope. Pese pano feature ASAPH rocky munhu unobva watoziva kuti chinenge chichipisa chinhu ichocho. 

Pama Top 5 nema Top 3 andaiita so far emabhama evamwe vaimbi. Trk rina Asaph raipinda mu either Top 5 or Top 3. 

Mubhama ra Mlue Jay rinoni Donatella pane trck rekuti Kush & Bottles iro raka feature ASAPH. Raive panumber 1 mu Top 5 yangu yemubhama iri. Ndakanzwa nekuridzokorodza coz ranga  rakaipa rakanyatsondipinda mubhonzo. Ndakafarira kuflowa kwavaiita apa vese zvichienderana ne beat zvekuti zvaibva also zvanakidza kunzwa.

Aka feature futi mu 800EP ra Te3vo pa trck rikonzi Same Jita (Magaivha) na Crooger. Kanga kakaipa futi coz pakasangana shasha. Trck iri raive panumber 1 mu Top 3 yangu kubva mu EP iri. 

Anga anyanya kunyarara kubva paakabura BigMhofuEP l hope kuti achabura zvimwe zvinyowani. Vanoda kuriona vhidhiyo racho munoribata apa.

This feels like the start of a new era for me. Life has been lived and Lessons have been learnt. I'm just excited I get to share my gift with everyone who loves the music I make. This is the start of a new season ASAPH AFRIKA SEASON!