Abaiwa ngaabude Medzai Firiji ikupisa wani

Abaiwa ngaabude Medzai Firiji ikupisa wani
Abaiwa ngaabude Medzai Firiji ikupisa wani

Mukomana Nkosilathi Sibiya uyo anozikanzwa nerekuimbisa rekuti Voltz JT akabura ka new track kanonzi Medzai Fridge ako kakupisa. Mazuva aabva aya ane kamwe kanonzi Crisis kaakabura, ako kaaitsiura ma ghetto youths zvakawanda wanda achiitira kuti vafambise mabasa bho. 

Crisis kakatambirwa zvakanaka muma streets but MEDZAI FRIDGE ine vamwe vashoma vakuramba kumedza firiji vachiti hainakidze. MEDZAI FRIDGE harisi track remunhu wese wese kunyanya kana usingafarire Voltz JT, nekuti anenge achitaura nezve life yake nekubudirira kwaaita.

 

Vhidhiyo re Medzai Fridge ratekeshera pa Youtube apo rinoratidza JT ari kuma shows ne boys rake. Rikupisa riri pa number 8 apa rane zuva rimwe chete rabuda. Ku Apple Music trck  rikupisa riri pa number 23. Panozopera week rinenge rapa number one chete kuma platforms ese.

Izvi zvabva zvatisiya nemubvunzo mumwe chete....Kana muchiti Voltz JT akuimba chinhu one murikuti akunotora amwe ma awards ku NAMA nekuma Zimhip-hop awards right? 
Medzai Firiji