Ma War Vets Ya Voltz JT Ikuspaka Wani

Ma War Vets Ya Voltz JT Ikuspaka Wani
Voltz JT achibata bata simbi

Nezuro makuseni pandakapinda mumastreets eTwirra(X) ndangoona vanhu vachitaura zvakawanda wanda. Vamwe vachichifarira vamwe vasiri kuchifilla. 

Ndazongoti regai ndichifille, chiri bho chikupisa. Senge chi beat chacho chinenge chine chimwe chi base chonakidza kunzwa. Chaifanirwa kurebeswa chatondiitira chipfupi. Muimbi dai akawedzera mamwe ma minutes. 

Voltz JT akatipakurira Ma War Vets iyo iri mubhama rake richazodonha pamberi apa rinonzi N.O.P MAKONI. Hameno kuti why akasarudza kupa zita iro ndichazomubata ndinzwe kuti why akasarudza zita iro and netwuma abbreviations utwo kuti twunoreverei.

Vhidhiyo re Ma War Vets nezuro ku YouTube raipisa riri pa number 5 ndobva ramuka riri pa 4 izvezvi rave pa 3. Haa panozopera week rinenge rave pa 1 chete. Vanoda kuchifeeler mochibata apa.