Top 5 Yangu kubva Mubhama 'N.O.P Makoni' Ra Voltz JT

Top 5 Yangu kubva Mubhama 'N.O.P Makoni' Ra Voltz JT
Top 5 Yangu kubva Mubhama 'N.O.P Makoni' Ra Voltz JT

Voltz JT adonhedza bhama rake nyowani N.O.P Makoni iro rino feature vaimbi vakasiyana siyana vakaita sana Atenda Chinx, Bagga, Tha Bees, Celsius, Poptain na Nyasha David. Vanhu vazhinji vanga vakarimirira bhama iri senge ma Fans a Voltz JT nevavengi vanga vatononokerwa. Muimbi Voltz JT ane voice riri bho harirwadze kunzwa.

Munhu usati watombofilla bhama racho unotoona kuti rinotopisa nema features aripo. Vaimbi vaka feature avo haa vakatowedzera ma extra spices mubhama iri. N.O.P Makoni rine 12 ma trcks. 

 

 

Ndakutaura Top 5 Yangu kubva mubhama iri.

1) Ma War Vets - Kumashure uku akabuditsa  Ma War Vets b4 bhama yakambokonzeresa noise munaChikunguru. Yaka topper ma chats payakabuda. Since bhama rabuda inongoramba ichipisa iri pa No 1 pa list rangu.

2) Gara Ndichauya - Nyasha David ano feature apa. Ndanzwa nekukadzokorodza aka kakaipa kakupisa.

3) Bread & Butter - iyi ino feature Celsius ka dope trck. Ndanga ndane time ndisina kunzwa Celsius. Rakurumidza kupera ndichida kunzwa more dai vakawedzera ma minutes apa.

4) Rima - aka kagospapa kano feature Atenda Chinx muimbi munyowani akupisa mazuvaano. Ndaingoona achitaurwa nezvake mumastreets yaa she is good ane voice risingarwadze kunzwa.

5) Kutidzorera Kumashure -  aka kanoita kutambisa madhanzi hameno zvakari kane ka that. Kanenge kachirira low low uchinyatsonzwa muimbi achiflowa mabars.

Zvapera, vanoda kunzwa bhama racho munoribata apa.