From Gokwe To Glory 8

From Gokwe To Glory 8

The year was 2018, and I was a freshman ini hangu Shaddy wekuGokwe. Semester break yanga yapera and it was the last weekend before opening school. I was still traumatized ne scenario yayaitika (READ FROM GOKWE TO GLORY 7). Those days ndandatombomira zvevasikana coz ndaitya kuti ndozodhumaniswa futi ndikakuvara. Dereck roomies vangu vaidzoka that day, vanga vatotenga grocery revanhu two since vaiziva kuti umwe wavo haana bag so vainyara kudya zvonaka vari vega. 

Ma first days hupenyu hwahwakaoma pa college, I remember those days ndisati ndakuziva ma hustles pandaidya sadza nemazai ari boiled everyday. Vakomana zai riri boiled ne sadza ma sports anorema. Zvainyanyo bhowa paya muri pakati pekudya magetsi obva aenda, moenda kunogara panze muchiona ne moonlight. Chinorwadza mwedzi ndechekuti sadza nemazai ari boiled colour yacho ino appear the same. Pamusuva ten waigona kungoseva sadza ne sadza. Waizoti kana waseva sadza ne boiled egg York unobva waita kakudzipwa sooo, haa college ma1 guys. 

Anyways ndakamuka early early because bus rarakwira Dereck raisvika Gweru kuma 10AM. Since grocery rese ranga rapera, ndakabva ndango boiler mvura, ndakanokumbira landlord vangu masamba. Ndakabika zvangu tea ndobva ndaenda pachimusika chaive pa corner ndikanotenga zvangu maputi since chaive icho chingwa chema students asina mari.

Ndakatowana pane vamwe sister vaitozvida zvida “Aaaaaa amana maputi acho aya madiki diki, hamunawo akaita big here” vakadero sister vaya. Jahman vaitengesa pamusika vanga vatofizuka kudhara, “Eeee sistaz, sistaz, haikona kubata bata Maputi angu kana musingade kutenda. Hamusi me Nandos ka muno mekuti mobvunza zvisina basa, torai maputi enyu murove pasi”. Ndaida kuseka but ndakaona kuti ndendomakisa.

Anyways ndakabva ndatenga maputi angu neka pack kenzungu dzakakangwa and went back home. At exactly 10AM rakabva rapinda zvaro bhazi repa Harare. Vakomana regai Harare ichinzi ndiyo capital city, vana vaidzika imomo kaaaa, wega waitopera power shuwa. Zviya zvekuti mahwindi ano harassa vanhu ndezve nhema, vanasikana vaisengesa varume vakuru vamwe vacho vane ndebvu dzachena mazi bag kuti vangopihwa number chete.

 Vamwe hwindi vakabva vasiya mwana watakazokwira naye taxi na Dereck, pasina kana 2 minutes phone yakabva yarira akati atanga hake kunozer mwana wepa Harare, “Hello… ndiani… timothy wekupi… oh timmy urisei kasi wauchiti ndakupa number dzisingashande… nooo manheru ndendiri busy ndoda kurongedza nekuzorora… yeah we could do that tomorrow but problem is handina mari yekupindisa mu town… hiiii really, you would do that… thanks hako… ok bye” phone yakabva yatorira ndobva ecocash ikabva yatonzi bhaa ko ipapo.

Yaisava ne limit kaaa makangokandwa mari ye 100 yuwesi, ndakaona mwana achiita kusekerera ndobva asenda mari yose mune imwe phone, ndokubvisa line mu phone rikakandwa muchi purse. Takangotarisana hedu na Dereck, just like that mukuru vakarohwa mari. Tichisvika padhen ndakabva ndatomhanyira ku grocery, ndandanzwa nekudya maputi or matemba ane lemon. College life ma1, sometimes hupenyu hunombooma zvekuti you learn to improvise, I remember time yandakambodya ma noodles ane dovi kuti ndigute, please don’t ask me kuti zvino taster sei. 

Dereck aida doro hake, I remember imwe time yekuti akabvunzwa ne bby rake kuti unodei inini or doro ndobva amubvunza kuti riripipi doro racho. Vaive type iya yekuti kana asisina mari aiisa doro mu empty bottle re jik kuti asakumbirwe nevanhu vanenge vatishanyira mu room. Semunhu wepa Harare apo akabva adzoka ne bag raive ne hembe new one. Ndakangoburitsirwa ka satchel kakazara hembe zvikanzi idzo ndodzako, bhutsu ndaingonzi ndotora dzandoda. He was my friend and bro for life, akabva abuda hake achieda ku party ini ndikasara ndichimbo iron hembe itsva dzandaida kuzopfekera mwana, nechemumoyo ndaingoti haaa kimmy achandiona chete… 

TO BE CONTINUED

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5

From Gokwe To Glory 6 

From Gokwe To Glory 7