Magetsi Enyika Opera

Magetsi Enyika Opera

Kuma past 1am ndanga nditori busy busy kuona kamwe ka series so. Then dzii magetsi abva abaya, ndadhiniwa ini. Ndabva ndamhanya kunovhura curtain ndichida kuona kuti panext aripowo here or not. Ndaona asipo futi ndabva ndaziva kuti haa abaya kwese and also nekuti haasi magetsi apera. Haa shuwa vanhu veZesa vangadzime magetsi nguva dzino makuseni seni akadai. Ndanga ndichitoziva kuti handisi ndega ndiri murima ndatozoona kuti abaya kwakawanda. Vanhu mumastreets vanga vachingochema chema.

Comment section ye tweet yandaita makuseni seni ano ndatoona kuti abaya kwakawanda wanda Gweru, Zvishavane, Mutare, Bulawayo, Norton, Chitungwiza, Plumtree, Vic Falls etc. 

Tichazonzwa kuti vanhu veZesa vanoti nazvo hazvisi zvega pane zvaitika chete...