Chandodira Fibre yeTelOne

Ndane ma months akati ooh ndichiishandisa masai sai eTelone iri Fibre. Fibre yavo yasiyana ne ADSL yavo imwe so yekudhara yaiuuya ne tambo dzekufonesa so. Iyi iri more faster than ADSL yavo. Haina drama rakawanda sezvinoita mamwe ma ISP. So in short ndongoti ikunaka.
Yakachipa kuisa paden ndakangobuda mari ye 60usd router randakatsvaga ndega tonaz plus 60usd ye installation fee. Ma data packages ayo munomawana pamufananidzo uri pazasi apo. Kumwe uko unobuda 300usd plus kuti uise ma fixed Internet avo.
Magetsi akabaya network yacho inoramba iriko haiende sezvinoita mamwe ma networks. But munhu unofanirwa kuita backup power ye router sezvandakaita. Panobaya magetsi router rinodzima ukabatidza backup power router robva rawana power wakutoita enjoy browsing.
Never worry about power outages again!
— Tel·One (@TelOneZW) February 11, 2025
With an 8800mAh capacity, our MINI DC UPS ensures a continuous power supply for your Wi-Fi, laptops, phones and more. Visit any TelOne Client Service Centre to purchase yours today! pic.twitter.com/ORnKmVAlkJ
Ine madowntimes mashoma shoma. Inowanzodonha network kamwechete pamwedzi. Imagine dai mamwe ma networks aidaro zvainakidza.
Ukasangana nedambudziko vamiririri vacho vanokurumidza kubatika and within less than 24 hours vanenge vatokusota wakutonakirwa nemasai sai.
Unonyatsoita browse and stream zvakanaka pasina zviya zvekuti mavhidhiyo anombo sticker yatoti buffering.
Haivharwe Zvekumhanya ukatora ma months usina kujusa. Account haivharwe inoramba iripo hayo. Chako kuzongojusa data wotanga ku browser hako pazvinenge zvaiita. Zvasiyana nema lines ekuti ukaita some time usina kurishandisa zvoitwa ku Zol rinobva ravharwa line vakutopa unwe munhu line space yako panenge pasisina. Or zvoitwa kunana Econet zvekuti after ma months akati vakutovhara line nekupa umwe munhu.
Yaa manyatsoona kuti why ndichiifarira.