Econet Ikufanirwa Kuvhurira Vanhu Vese maSmart4u Bhanduru

Econet Ikufanirwa Kuvhurira Vanhu Vese maSmart4u Bhanduru

Econet ikufanirwa kungoita ma Smart4u bundles official. Ndane time yakati ooh ndichiona vachipa ma offer ebhakosi redata iri kune vamwe mumastreets. Ini handisati ndawanawo offer zvinotondibata bata. Ndotoshaya kuti vanoshandisa criteria ipi kusarudza vanhu. Ndongoti vane fevha huori chaiwo kupa vamwe ma offer vachisiya vamwe. Ndatoneta nekutarisa ku *143# ndichiti pamwe offer ndichaiwana iriko manje ingori dololo. Kana ka sms kacho ke offer dololo. 

MaSmart4u mabundles anenge Yomix like achiuuya nema minitsi, data plus ma sms  zvekuti offer yacho ikupihwa vanhu zvakasiyana. Kumwe inenge ichidhura kumwe inenge yakachipa. And ma speeds ayo pa Internet anenge asina ma limits kune vamwe, kumwe anenge ane malimits after waiita consume some gigs. Each offer rinenge rine magig, minitsi, sms akasiyana siyana unonzwa vachiti fair usage policy bla bla bla. 

​​​Vakaita zvakanaka pavakabura ma SmartBiz bundles kumashure uku. But pane aya vari kuita zvechioko muhomwe ma Smart4u handisi kutombofara nazvo.

I hope kuti vachaiitawo kuti ma Smart4U bhanduru aveko kuvanhu vese. Hameno tichaona kuti vachadii pamberi apa. For now huori wega wega fevha fevha.