Musi Wandakatandaniswa Nembwa Musango Ndiripakati Pekuita Matosi Part 1

Musi Wandakatandaniswa Nembwa Musango Ndiripakati Pekuita Matosi Part 1

Ndatorana naTatenda, Tapiwa naTonde bvatapindira musango timbonovhima. Tatine imbwa 9 altogether dzangu nhatu Tatenda aive nembiri Tapiwa dzake 4. Tore tore rekeni dzedu bvatapinda mubhundu pasina 30 minutes, pane katsuro kakati shwaka shwaka mumahuswa imbwa dzikati nayo haa nesuwo.

Tsuro yaifamba iyoyo chihombe wainyatsoona chichimhanya kuti ichoo chine futa. Almost 8 minutes tiri muRace takatorana nayo bvaya pinda muPraz rekwaWillson.Imbwa hadzina kumira dzikati nayo isuwo pfee imomo ko taiziyei kuti hamubvumirwe. Haaa nayo nayo nayo nayo bvayati mugwenzi pfee tikati chatsva "masoja kombayi tirove"

Tapiwa aribusy kusvokosva svokosva kuti ibude ini ndandaLokwa manje nematosi ndikati "boiz mirai kusvokosva ndimbopinda dare first then tozoita takwana" ndikusotaka paye ainonoka kubuda anga akawomarara, pfuti bvayangoti bamuuu yaridzwa naMr Willson. Imbwa dzedu dzaisaziya kana sound yepfuti dzakatiza 4 kukasara 5 ende idzodzo ndoimbwa dzataitemba nadzo.

Muchena uya akazongovhurira imbwawo dzake apa ini matosi anga atopamusiwo kuuya. Dzedu imbwa dzakangoona kuti kukuya maGermany Shepherd emaSure sure anodya chikafu chembwa not sadza nemuto.

Ini kuti ndisimuke hazviite cos matosi aye anga ato pamusuwo kubuda, team rese ratiza zvese netsuro yakabudawo kutiza. Ini kuti ndimatyore nemawoko hazvaiita ,ndikati ndodii ndomadzosera sei cos imbwa dzatosvika idzi.

To be continued.........