Svosve Mubrugwa

Kurota masvosve hobho

Svosve Mubrugwa

Dream yacho yatanga ndiri mu kitchen ndichitadza kubhendesa imwe spoon so yanga yakaomarara.Ndichida kuibhendesa ne my mind zvichiramba.Ndazoona ndabata gaba re ice cream riri mufridge ndikatanga kurirova mm yanga ichinaka ice cream iyi. Ukukwanga kwakudyiswa chete ndanga ndakutonzwa nzara nekuhope eeh.

Scene yabva yachinja ndanga ndamusango manje ndakutanga kuona masvosve everywhere masvosve mmm anga akaita kuzara but twanga twusingandirume. Masvosve ndomaziva nekuruma kaa but apa andishamisa.

Ndazoona ndakuita kunge ndiri kuboarding kuXul  kkk  ndichitaura nyaya na roomate and then from nowhere masvosve abva atanga kufamba famba pa floor.Twuma svosve mukange twuya twemusoro muhombe. Hana ikatanga kurova kuhope ikoko zvinonyisa kaa.Takufungakuti nhasi masvosve aye akuzotidya.Kana kutiza tatadza panga pakaipa.So tanga tangomira pama beds tichishaya zvekuita.

Scene yabva yachinja futi apa ndanga ndakuita kunge ndamu classroom pane kamwana kacheche kanga kachiita solve imwe maths so.Maths iyoyo yanga yakaoma kana neni yanga ichitondivhara. Kanga karipamberi pe board riri mudenga  but ruoko rwanga rwuchisvika chete kudhadhamuka kunge rubber ndatya ini kanga kari kachidhoma chete. Apa kanga kachikwapura maths iya .

Ndiri kurota kudaro ndaona ndamuroom  mangu futi, mupfana bvaauya nemamwe ma toys emota so anga akawanda collection .Ndikati yes ndakurohwa nekamwe ka excitement.Ndanga ndakutoti ndaona zvekuratidza vanhu muma twirra streets ndabva ndabuditsa camera kuti nditore mapics. Kupiko hazvina kuzoitika  masvosve anga azara everywhere mumba eeh yanga iri horror chaiyo pasi panga pakusatsikika.

Scene yabva yachinja zvakare ndanga ndakuchechi ndichinamata. Muchechi muchiparidzwa shoko hamo.Hope dziri weird hantie kungochinja chinja ma scenes.

Scene yekupedzisira ndanga ndava panze muyard paden ndichiona masvosve akazara yard yese futi.Anga akakurisa  kuita kunge imbwa achihukura.Abva atanga kundidzingirira mm ndafamba.Apa pandanga ndichimhanya kudaro ndanga ndiri busy ku screamer nekurova twuma prayers. Pane one svosve razongonditi bvaru nyama nhete yeku left ndabva ndaponja.Mmm ndaita kunge ndachekwa nebanga pain yacho.

Ndabva ndapepuka

Pandapepuka hana yanga ichiita kurova the first thing chandaiita kurova ka prayer.Then ndabva ndaita check pabed kuti hapana masvosve here.

Before ndarota hope idzi nezuro manheru  ndaiona chimwe chifirimu chaityisa.l guess pamwe ndozvimwe zvazokonzeresa kuti ndirote hope dzakadai.

Hameno kuti dzinorevei ? Hope idzi ndamirira dudziro hangu.