Kutizirwa Kwandakaitwa Nemusikana Wemuraini
Pane musikana ainzi Chido wemu Hood mangu aive akanaka mwana iyeye ayigara achiuya paden pedu achikumbira ma movies nema series.Ndaitomboda kukanda CV but ndaitya.She was my friend vanhu vavakutotiziva kuti taigara always tiri 2, vamwe vachitofunga kuti pamwe taitodanana but eeh handizvo zvaivepo.
Chido aiva nemukomana wake waiigara achitaura nezvake. Haa ndaiudzwa zvese mmm sezvo ndanga ndiri mu friendzone . Inorwadza friendzone iyi hee Frank azodai hee Frank azondidai nechemumoyo ndaingoti ndiri kuudzirweiko zvese izvi.
One day Chido akazouuya achida ma movie akangotanga kurutsa rutsa and i asked why ayirutsa rutsa aakati i nyon'o.After sometime dumbu rake rakatanga kukura ndikabvunza futi akati akusimba aah ndakazvishaya. Ndakatanga kuita suspect kuti inhumbu chete hakuna zvimwe.
Pasina ma days ndakanzwa knock pa gate aive masikati. Neka excitement kumhanya kunovhura gate ndione pana Chido nema bags .Ndakutomuvhunza kuti iyi ndeipiko iyo yakuitika kasi wakubaya Ku kunze kwenyika. Chido uya ndobva ati "maya pakaipa bro kumba hakuna kumira mushe".
Ini ndanga ndakushaya kuti ndodii manje ndomuti apinde paden coz yaitoita imwe nyaya futi.Ndobva ndamuti bho pinda paden. Apa vanhu vepaden vanga varipo vese vachitoona tv.
Ndakatanga kupinda ini ndikamuti Chido chimbomira 2 minutes ndivauudze nyaya iripo. Pakamboitika noise zvikanzi nhumbu ndeyako iyi ukuda kutivhara pano pamba.
So Chido uya akabva abvumidzwa kugara paden for some few days. Akatopihwa room yake ega panga pane spare kaa room yanga isingashande. Anga akutoita ka kunge a relative yauuya paden for some few days.
Makuhwa haatane kufamba kaa hameno vanga vaona Chipo ane ma bags pa gate ma neighbors. Pakatotanga kufamba rumors rekuti Tudzaa atizirwa na Chido haa zvakazara kwese kwese kunge mhepo iri kuvhuvhuta.
Team team ku WhatsApp,calls & text rakutotanga kutumira twuma messages twekuti tanzwa kaa kuti mazviita kaa mudhara. Nevaye vanenge vachida kutsvaga makuhwa nenyaya kubata first hand information ndakaseka coz zvakandiitira funny vanhu vakaoma.
So Chido anga aiita nhumbu ya Frank apa aitya kumuudza.Kana vabereki vake akaramba kutaura kuti ndeyani.Ndobva anzi baya kumunhu wako iyeye.Mazuva akatofamba so shoko rakazosvika kumba kwana Chido kuti aiva paden pedu.
Pavakanzwa izvozvo vakauuya vaka charger paden. Ndakangonzwa Knock umwe musi kuvhura gate so ndakangogamuchirwa nembama kubva kuna Amai Chido. Ndikati aarg ko iyi ndeipiko yamakandiita iyi ndapara dzei.
Zvikanzi wakaitasei mwana wedu.Ndikabva ndavati pindai mumba titaure nyaya yacho zvizere. Vakabvuma kupinda havo,vanhu vese vanga vagara mu dinning manje naiye Chido wacho ndopakazotaura Chipo kuti nhumbu yanga iri ya Frank mukomana wake. Vakabva vatanga kunyara nyara Mai Chido ndobva vanditi sorry.
After 2 weeks Chido uya akazodzokera kumba kwavo.Pasina ma days ndakazongonzwa kuti akugara kwana Frank. But still rumor iya yekuti ndanga ndatizirwa na Chido haina kupera zvekumhanya.