ChikendiKeke Ndomuda Hangu

Ndatoti regai ndiite riri detembo ndichitaura zviri mumoyo mangu mwana uyu andipengesa.

ChikendiKeke Ndomuda Hangu

Detembo

Kana kuri kufa ndofa hangu,
Asi nhasi ndozvitaura zviri pamoyo pangu,
Moyo muti apa ndopamera wangu, 
Uyu mwana uyu ndoda Ave wangu,
Zvese zvake, zvivewo zvangu. 

Chikendi, 
Unopisa pataundi, 
Kudhadhamuka kunge ndandi, 
Unobuda sugar kunge dandy, 
Kuchena kunge unogeza neHandy Andy, 
Competition yave out of hand, 
Haudi tag team uri one man bhendi, 
Mumoyo mako ndoda kubhadhara rent, 
Handizoshetesa kana cent. 

Dai wandipa mukana wosiyana nana Jethro
Vane rudo runokasika kuvapor kunge petrol, 
Iboys dzepaTonaz dzinongonhuwirira dettol, 
Asi sirivha nendarama havana kunge ana Petro, 
Tamba neni ndine danga recattle, 
Kunge Gaffa ndinopisa kunge mvura iri mukettle. 

ChikendiKeke
Ndichakuda kusvika vese vati eke...