Gift Otengesa Matawero Ake Kuti Abhadhare Bhuruu Tiki

Gift Otengesa Matawero Ake Kuti Abhadhare Bhuruu Tiki

Mashura Gift akutambira ku VVIP section yemumastreets ane katiki kebhuruu. Mazuva apfuura aya matwimbos aipururudza kubviswa kwanga kwaitwa MakdShelby KuVVIP Section. Ndofunga mukomana uyu atoita chibundu che salt pahuro nekurwadziwa.

Zviri kufungirwa izvo kuti Gift akatengesa hembe dzake dziya dzinoita kunge dzemu imba yekubikira chikafu iya yatinoti kicheni. Mari yacho yaakawana pakutengesa hembe idzo ndoyakabva yaiita kuti abhadhare mubhadharo unodiwa kuti munhu awake katiki kebhuruu.

Tichange tichimu monitor mukomana pamwe katiki kanogona kungotiza.