Econet Yabura Zvimwe Zvinyowani MaSmart4Home Bhanduru

Gore rino tichanzwa nema Smart chakadaro awandisa and zviri kunakidza. Kune ma SmartBiz, kwoti Smart4u then kwane nyowani iyi yavafunga kubura inonzi Smart4Home.
Ndamboda kuzvi ignowa ma messages e offer yacho akuita kuramba achiuuya hobho hobho. Zvekuti pamwe ndogona kuzomazama ndosiya SmartBiz ndikamaona ari favourable.
Sezvamuri kuona pamufananidzo vakuti ndikatenga router ravo ndowana 100gig dzekutanga mahara plus ne package yandinenge ndasarudza.
Since zviri zvinhu zvinyowani ndabva ndati regai ndivavhunze kuti ndezveiko izvo zveSmart4Home. Mhinduro dzacho dzimwe ndidzo dzamuri kuona pazasi apo.
Hi Buddie. This is different from SmartBiz. Its a new offer targeting home use, Its like SmartBiz. The only difference is that this one has no speed restriction but you should buy a wifi router first.
Apo ndanga ndavati saka yakasiyanei ne SmartBiz yandanga ndagara ndichibhadhara. Pavati panenge pasina ma restrictions pama speeds ndapafarira.
The routers we have are not rechargeable; they need a power supply to work. But you can carry them from the office to your home or vice versa.
Ndanga ndavavhunza kuti ari portable here ma router acho. Hazvina hazvo kuipa kana une backup power haa unenge wapinda machena.
Ndazotaura nevamiriri pa call vakandiudza kuti panenge pane ma packages akasiyana siyana pa Smart4Home achitangira pa 30usd nezvimwe zvima limits zvandichazokuudzai pamberi apo ha ha. Apa zvanhasi ndaiita zvemakuhwa.