Telecel Ine Potential Yekupisa

Ndane time ndichishandisa Telecel ndakunyatsoiziva. Inombogumburisa yombonakidza.

Telecel Ine Potential Yekupisa

Ma first days network yavo yaive terrible pandakatanga kuishandisa. Area yangu yandogara yepa Ruwa apa yanga itorine 2G and 3G yavo ichibata zveapo neapo. Waigara une BP munhu. Ichiti magetsi akabaya yobva yabayawo. Zvekuti kana riri business raitowacha kaa pasina signal yekutaura nema clients. 

Ndikambomira kuishandisa zvekuti ndanga ndakungoti ndikanzwa kuti Telecel ndoti avo vachiri kurarama ndonzwa kusvotwa. Then they rebranded kuisa ka nice logo and ma offices. Haa kana izvezvi mukatarisa ma office avo akanaka chaizvo. 

I was impressed ndikati regai ndivape imwe chance. Was shocked kuona area yandiri ichiita 4G. Ndakamboti pamwe ndiri kukanganisa kuona. It was super fast 4G yavo zvekutokunda mamwe ma networks. Ndikaita discover kuti in some areas they introduced 4G, which was a good move. 

KaMegaboost kavo kakambondi saver ma days zvinhu zvakandiomera kaive ne unlimited text dze WhatsApp kakaita kuti ndibatike pamhepo. Data ravo rainge rakachipa kupfuura mamwe masai sai. Zvainakidza ma days aya line racho raigara riri mune ka 4G router haa kainyatsonhonga network. Kwozoita ka night bundle kavo kanenge kane mazuva akawanda pane re 2 ne 4 days. Kune mamwe ma networks hazviko. 

 

Sezvandambotaura padenga apo Telecel ine potential yekubvira ikanyatsoita serious nekugadzirisa ma areas andichataura pazasi apo. Ikangodaro chete haaa vanoita mari and vanhu vanopiringishana kudzokera kwairi. 

1) Kuisa backup power kuma booster/base stations avo. Vanhu toda kugara tiri connected zvekuti magetsi akabaya network inofanirwa kuramba iriko. 

2) Kuita upgrade nzvimbo dzakawanda dziite 4G. Dzimwe nzvimbo hadzisati dzane 4G so haa inofanirwa kuita plan apa. 

Yaa ndiwo 2 ma issues ekuti vakasota haa zvinotanga kunakidza. Vamwe vanenge vane zvavanofungawo motaura mu comment section.