KaApp keEcoCash kadzoka kari neat

KaApp keEcoCash kadzoka kari neat

Madays abva aya Econet yakaita revamp ka My Econet App kayo futi. Kane interface iri dope. Ndobva vaisa Yomix nemamwe ma features eSelfcare mukati meka app ikaka.

Apa yatigonera futi nekudzosa ka data app kayo keEcoCash. Kanga kane mazuva akati ooh kasiri kushanda mushe, zvayakadzosa zvanaka. Vanenge vachikada kariko ku playstore. Vema iPhone motarisa kwenyu futi kari tii.

 

Munhu you can easily switch from ZiG to USD wallet ukabaya ka arrow kakatarisa pasi. Ma features aripo mazhinji ndiwo atagara tichiona patobaya *151# or *153#. But pane twandaona twunyowani apo pakanzi Burea De Change ne Money Pickup. 

PeMoney Pickup apo ukapabaya munhu pakubuda zve Sasai ne Mama Money. Ndopevanhu vanenge vachida ku collecta mari dzavatumirwa kunyanya ne team reku Diaspora chii chii. 

Then apo pa Burea De Change ndopekuchinja mari kaa apa. Ndaona kunge kari bho senge paye paunenge une ma US uchida ma ZiG. Kungobaya ipapo conversation dzacho dzobva dzatorohwa watone twuma ZiG twako mu wallet. Haa its a great feature. 

Ndaitoshaya kuti kambani hombe yese iyi yobva yatadza kuita ma apps anonyatso stands mushe mushe. I guess kwakauya team rinonyatsoziva zvarinoita vakaita kuti twuma apps utwu twubude bho. Vakaramba vakadaro zvinganakidze. Mukatwutsvaga kuma playstores enyu mutwuwana.