From Gokwe to glory 6

Kanyaya ka Shaddy wepa Gokwe

From Gokwe to glory 6


The year was 2018, I was a freshman, ini hangu Shaddy weku Gokwe. Upper six we were used to a month long holiday but university was different. Yanga yasvika hayo week ye semester break and we had to go home for a while. But inini hangu ndanga ndisina kwekuenda, it was the rainy season muna March and ndiyo nguva yaive yekusakura kekupedzisira. Its not that ndaida kuita chisalad salad but vakomana badza rinorwadza. Taisakura kusvika mdara vaneta, apa mdara vaiwanzoneta after six hours meaning taitanga kusakura na 3AM until 9AM, I remember rimwe day blaz yangu yaive ku army payakauya ku roots for Christmas, vakasakuriswa kusvika vafenda. Musoja ane mazi muscles kufendeswa nebadza, that’s how intense the labouring was.

So ndakabva ndatobvisa pfungwa dzekudzokera padhen. “Mdara tobatana next week ndasiya monarch re hembe dzekuti mushandise regai ndiende padhen kunotora dzimwe” ndi Dereck uyo aive akubaya hake kumba kwavo in Harare for the semester break week. Ndakasara hangu ndega pfungwa dziri busy kufunga Kimmy. Our relationship had become complicated, taive ma friends anodanana. Ndakabva ndatonanga hangu ku KMP chi suburb chaigara KImmy. Senga suburb yaive a true hive of activity during sem-break. Kwaiti vaienda kumba nemabhazi, vaitorwa nemota dzekumba, vaienda out nana bae kozoti isu vana shaddy vaive vachisara havo. I went kudhen kwa Kim and outside kwaive ne gusheshe baba. Ka BMW kairohwa house music ma doors ose akavhurwa. Ndichipinda kudai ndakawana iri batai batai.

Vasikana vaive busy sorting out clothes: vaisiya dzakadambuka dambuka, pfupi pfupi ne dziya dzema lace muma monarch then dzimwe dziya dzakareba and dziri decent dzichiiswa muma monarch avaizoenda nawo kumba. 
Muupenyu hwangu ndanga ndisati ndamboona rudo rwakadero, aiwa kunana baba vanoda tuma baby girl twavo. Kwaiti vana baba vaiuya nevakadzi vavo kuzotora vana, ivavo vaisambo hug vana vavo zvekunyanya. Asi vamwe vana baba vainyatso hug vana vavo vonyatsovasimudza uku vana vachi screamer nekuva pinner nemakumbo vari mudenga. Kwedu ku Gokwe ukaona baba vapa mwanasikana wavo handshake zvinenge zvatokwana, izvo zvekuzopanana ma hug nema squeeze squeeze iyaaa zvaitovewo zvitsva.

Ndakaramba ndakayeva vamwe baba vakapa mwana wavo hangaiwa seyandakapa Kim rimwe day, but ivo vakabva vanyatso bata zvigariso zvake ndobva vanyatsoti kambama paaaa. Mumwe mfesi akabva auya pavari achichema kuridza mhere semwana arohwa after awanikwa achidya chikafu chevayenzi. Mota yakangosimudzwa zviri fast fast akasara akasvava. Ndipo pandakabva ndatoonawo mablesser. Isu ku Gokwe taivati mashuga daddy. Ndakaperekedza Kim pa Teacherz plaza paya muGweru panomira Eagle liner rerichibva Harare rakananga kuBlues. Paive padhuze ne Chicken Inn so akabva angoti aida kunditenda ne ka 2 piecer.

Well takaenda paka booth kakari bhoo bhoo ndobva ndatanga hangu kudya slow slow semunhu ainyara nyara nhema. Pa side pedu paive neimwe couple so yaive yechi salad salad. Takazonzwa mfes wacho aive mu niqqa akungoti “girl wah tha fuc, gul wah tha fuc, its over between us” ndakavhunduka boys, munhu akarambwa because anga atsenga mabhonzo echidzva chehuku muChicken Inn. Baby racho harina kana kumbonyara rainyatso bhabhanda mabhonzo zvekuti noise yacho yainzwika nemunhu aifamba kunze kwe street.

We just laughed but ipapo ndakatenda vadzimu because I was close to do the same. Ini hangu mabhonzo emhuka ipi zvayo ndaimafarira, hanga, zvikwari, huku, zvihuta, mombe kana mbeva chaidzo. Kana iri sehuku ndaifarira kusveta mongo chaiwo. Ipapo ndakaita lucky coz ndaizopinda busy iiiiii. Kim akakwira hake bhazi ndikasara ndega mu Gweru. It was going to be a long week since ma friends angu ese anga abuda tonaz. Transport yainetsa those days, ndiwo ma days aya ekutanga kwema ZUPCO.

Ma conductor e ZUPCO especially vechidiki vanga vakudiwa nema bby ose patonaz kuti vawane seat mu bhazi. Rakati richirova corner yepa Provincial offices yema War Vet ndakaona vanhu vachirova speed kupinda mumutsetse. Pane rimwe slay rakadonhedza wig but harina kana kugaya, rakabva ratoinhonga ndobva raipfekera muchi handbag vanhu vakatotarisa wena. Vamwe sisi vavakapfeka zvima push zvainetsa those days zvaive nemambava mbava soo, vavabva vangozvikanda mu paper bag rekwa OK raive ne grocery vakatanga kumhanya netsoka.

Havana kumbogaya zvakawanda, vakabva vagurira nepama sewage ndobva vatsika ganda reBanana vakabva vaita kutsvedza face first mumasuhwehwe. Ndakaona mfes wavaive naye achingonyangarika muka flea market kaive padhuze akavasiya vega vachingochema. After all the drama takakwira hedu bhazi asi takashaya maseats. Bhazi raizara kana vanhu vari pa queue vapera. We were well packed like music yaBiggie. Takabva tatanga kuenda hedu slow slow seprogress ye Arsenal FC. Tava halfway our journey vamwe sisi who appeared to be a senior student vakaridza zimhere. Vanhu vakati chiii chiii ndobva vangotendeka chiuno chaBlaz vaive kumasure kwavo. Vanhu vakabva vabvaruka havo nekuseka hanzi mukomana anga ane ziBoner wena. Aive ongonyara akungoti “haaa sorry haaa sorry” gare gare imwe mhere yakaridzwa zvekare kudhuze ne back seat vanhu vakabva vaseka zvekare.

Pasina nguva vamwe baba vechipositori vakabva vashedzera, “Nhai va driver tokumbirawo mudzore speed, mabump bump aya akutikuvadzisa kuno nema students echikadzi ayaa.” Vachiri kutaura pakabva paita rimwe zi bump,”yuhwiii zvangu” Vamupositori vaya vakabva vashedzera vachigomerera bhazi rese rakabva radimbuka nekuseka. Sisi vaive mberi kwangu vaingozhurunguzha zhurunguzha vonditarisa vonyemwerera, ini ndaizivei hangu, ndaingovevo Shaddy wekuGokwe. Vakabva vaisa ma earphones avo ndobva vakabva vatanga kuridza ‘PLAIN JAN’ ya A$AP FERG. Hameno zvavaiita zvinonzi kutwerk. MAI VANGU VHERONIKA IWEEEEEEEEE. Ndakadero hangu nechemumoyo ndichiziva sisi ivavo vaizoridzawo mhere mubhazi pasina chinguva.

Zvisinei vaitowedzera wena, ndakambofunga kudzika but kufamba netsoka aive ma1. Varume vazhinji vaive ma standing passengers ndakaona maziso atsvuka kuti tsvuuuuu vamwe vaive votochema, wakava mufaro mukuru patakadzika bhazi, nanhasi ukanyanyo zvitarisisa unoona vanhu rume kuti vanenge vachifara zvisingaite pavanodzika bhazi especially ma standing passengers. “Hey, you held yourself quite well back there, I’m Rue” vakadero sisi vaya takutofambidzana. Kusuwa kwese kwandaiita Kim kwakabva kwatopera. Upenyu hwe nyuvhesiti huno chinja ne two minutes boys, ndiniwo here SHADDY mwana wa VHERONIKA anga akutoenda ku sleepover ne stranger…

TO BE CONTINUED

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5