Masai sai eEconet Odzoka After Ambobheuka

Masai sai eEconet Odzoka After Ambobheuka
Image by Gerd Altmann from Pixabay

Nechando chiriko ichi system yeEconet yarohwa neflu vhiki raabva iri yanga isiri kunzwa zvakanaka. Network yavo yaitonyora kuti emergency calls kana kuti no service zvamuri kuona pamufananidzo wandaisa pazasi. 

Dambudziko racho ndakatanga kuriona china chabva ichi. Internet ichingoita ma on and off. Then ma calls achiramba kuita through futi. Paunenge uchida kuita zvinhu zviri important ndopanobva padhakwa network hameno kuti sei zvichidaro. Zvekuti musi wacho Econet yakabva yatumira message ichiti ikuzviziva kuti masai sai akushupa and ma engineers avo akuongoroora dambudziko. 

 

Zvakatora mazuva maviri kuti vazosota dambudziko iri. Kune vamwe vakatoita mazuva matatu kuti masai sai avo aiite stable. I hope kuti vachaiita compensate vanhu netwu bonus twe data, kukavhiridza kubheuka kwakaita masai sai.