Mashiripiti paHarare

Mashiripiti paHarare
Pic by AT Street Visuals

Growing up tirikumusha pa Domboshava taingoudzwa nyaya dzemadzikoma edu ainge anyunyurwa mu Harare. Taiti madzikoma kana achitaura nyaya idzi taiseka tichitora madzikoma edu kunge vanhu vakadhibha stereki. Ndakazoti ndapedza kunyora A Level 2002, ndikati rega ndimbonotsvaga greener pastures pa harare apa. Ko ku Harare taimbokuziva here dzanga dzangova ngura dzega dzega. Ndakangokusvikako muna 1997 pataienda ku trip yema prefect ku Lion and Cheetah Park. 

Ndakafumo bata jongwe murumo ndikakwira bhazi ndakananga Harare, bhazi rikandisiya pa market square ndikati bho. Sekuru vakanga vandiraira kuti muna Mbuya Nehanda ndimo mandaizobatsirwa kugadzira ma CV rangu. Those days muna Mbuya Nehanda maisava mema spares ema Honda fit maitova nemashop masvinhu svinhu. Ndakagadzirisa CV rangu bho bho ndikati rega nditange kukanda.

Ndakakanda shop 1 and 2 ndakuda kuti yechi 3 ndakanzwa muface aitova ne suit haa akachena zvikanzi Brian huya pano. Uchigona muface iyeye hawaimbofunga anything, zvikanzi ndine murungu wangu arikuda munhu webasa muka sports shop kari around the corner muna Mbuya Nehanda imomo. Takaenda paka shop kaye zvikanzi mfana mira panze ndipedze deal plus iwe unenge unokakama pachirungu. 

Semunhu aida zvinhu zviri green ndakati bho blaz. They had a lengthy conversation, ndikaona murungu uye akundi waver, nechemumoyo ndaingoti zvangu zvaita. After vapedza conversation yavo, zvikanzi mfana murungu ati bho but pakuda kuti urohwe a nice hair cut plus une kwekugara here kuno?. Ndakabva ndaita honest l told him kuti andina but ndine kamari ke start over maybe ndingangowane ka 1 room.

He was like mfana usatye ndokuitira one room pa Tagarika flats apo pekuti unenge uchifamba netsoka mu town but ma rentals i $30 incl of everything saka ndipe mari yacho ndinopa lendaz iwewe wosara uchigerwa. Haha akomana ndakangoti Mwari why is it people lie kuti paHarare panoitwa vanhu welcome to Harare. Ndakamupa $30 iya ndiyo yega yanga yasara yakabata homwe, ndikabva ndati blaz don't worry first pay ndokutengerai crate remasese, zvikanzi bho mfana pachedu. 

Mukomana akandisiya ndichigerwa, ndobva aenda kunopedza deal re accomodation. Ndakapedza kugerwa, ndikati rega ndiende kubasa kwangu ndinonzwa kumurungu kuti shamwari yake haisi kubatika indava? We spoke and murungu ndobva ati, my conver with that guy had nothing to do with work, he came and asked for a quotation and he mentioned you were his younger brother and he wanted to buy you a cricket bat thats why i waved at you.

Ndakapererwa kuti pee, ndobva ndatanga kufunga nyaya dziye dzataiudzwa dzeku Harare. Ndotangira papi? Ndoenda kupi? And ndanga ndisina phone, those days ma phone aiitwa nevanhu vane ma PHD chete rimwe mbururira iri taiita zve payphone plus book rema contacts, but problem yaivepo was ndanga ndisisina kana cent apa ndaida kudzokera ku Domboshava but nei??

Ndakabva kuna Mbuya neHanda kuye, netsoka ndichingodzengerera kunge mu Cde. Ndakasvika ku Borrowdale netsoka ndaita kudikitira and l could feel kuti l have lost weight panapa. Zvekuti unonzwa nzara unenge une pekutangira ndaisatonzwa kana chinhu at all. Ndakafamba kusvika pa show ground yeDomboshava paye netsoka now l couldn't feel my legs. Ndaiita kunge as if ndine 2 ma body and ese haasi angu. Ndakasvika pa show ground ndikabva ndakumbira kuita pay forward since kamota kandakazokwira from there kaigumira pavillage pedu.

Ndoinonzi Kutambwa Nyowani paHarare