EcoCash yobheuka

EcoCash yobheuka

Last time yandakataura nezve EcoCash yanga yanga yabva kubura ka App kayo kari neat muna Chivabvu. This time bad news platform yavo iri down ikuita ma ups and downs. 

 

Nezuro pandakabaya *151# yavo ndichida kuona kuti ikuita here yaitonyora zvima error message bla bla. Zvino nekukura kwayakaita hazvidi kuti zvitore nguva yakareba zvisati zvagadziriswa. 

Ndaona vanhu vakawanda vachichema chema. Haa mazuvaano hazvichazi zvekuita rely nechinhu one unochema. Zvakutoda kuti imwe mari wosiya iri kubhanka, imwe nekuma backup mobile money services akaita sana Omari, InnBucks, OneMoney Ukadaro unenge uri safe. 

Hameno kuti vachapedza kugadzira dambudziko racho rinhi. So far mumastreets vakungoti technical team yavo ikukiya kiya kuti zviite.