Ka App keEcocash hakachabate mari dzemafreezits

Musiwa 23 Kukadzi ndakambokanda chichemo mumastreets. Ndichichema chemanenhau yema charges avo. Vainge vakwidza ne 3cents kuita balance inquiry.
Kuita balance inquiry ye usd wallet ku Ecocash unobatirwa 13 cents , ku Omari Usd wallet unobatirwa zero cents.
— Tudzaa (@tudzaa) February 23, 2025
Ku Ecocash vaimbobata 10cents vakakwidza ne 3 cents
Zvakatondibata bata coz ndaitoona kuti kune mamwe ma apps havabate ma charges kuita balance inquiry yema yuwesi, 13cents dzakawandisa.
Zvisinei vakazongorova chi joker ndofunga vanga vaona kuti vanhu vazhinji vanga vari kuchema chema nenhau iyoyo. Vakabva vati kuita balance inquiry ku Ecocash App yavo havachabate mari yema freezits.
Zvave nani and iko ka App kavo ndakaona kuti kave smooth mazuvaano that zvakainge kakaita kudhara.
N.B kuita balance inquiry zvemahara izvi zviriko ku App ravo re Ecocash chete. Kumwe uko ku *151# vachiri kubata macharges ebalance inquiry.
Update the EcoCash App and enjoy FREE balance enquiry. pic.twitter.com/6DGIr5hVLx
— EcoCash Zimbabwe (@EcoCashZW) June 3, 2025