Mafans oshuvira heartbreak Kuna Kae Chaps 'Tasuwa mhanzi inorwadza'

Mafans oshuvira heartbreak Kuna Kae Chaps 'Tasuwa mhanzi inorwadza'

Vatsigiri vemuimbi weRnB ane mukurumbira muZimbabwe Kae Chaps varatidza kutsutsumwa nekureba kwaita nguva yadarika muimbi asati aburitsa nziyo idzva. Kae Chaps uyo ane mukurumbira wekuimba nziyo dzinotaura kurwadza kunoita rudo nekurambwa akapedzisira kuburitsa Gehena mwedzi yapfuura. Mafans ake vakaposta kuti ko mukomana ari kudanana nani asiri kumurwadzisa? Vakaenderera mberi vakati Dai mukomana arwadziswa pamwe aiwana simba reku nyora imwe Hit Song.