Nutty O Adonhedza Makanonoka

Nutty O Adonhedza Makanonoka
Pic by Trey ImaGes

Ndanga ndane time ndisina kutaura nezvemuimbi uyu anonzi Nutty O. Ndakapedzisira kutaura nezvake mazuva aakadonhedza vhidhiyo re Reverse. Mazuva apfuura aya akabura ka trck kanyowani kanonzi Makanonoka. 

Muimbi uyu ane chipo chekuimba ma trcks haarwadze kunzwa. Munhu unoramba uchida kunzwa more. Makanonoka katrck aka kanoita kurovesa twumadance beat racho ropisa. 

Vhidhiyo rine ma lyrics eMakanonoka riri kutrender ku YouTube riri pa number 5 ne 50K ma views. Riti kutopisa kudai after mazuva maviri iwaya.

 

Ndanzwa nekukadzoorodza aka kakunaka tichazonzwa kuti muimbi uyu achabura zvipi pamberi apa. Ooh ndanga ndatokanganwa Makanaka yakaitwa s/o pa BBC Radio 1Xtra kuchando uko. Vanoda kurinzwa number iri munoribata apa