Zvekuita GeoLock Malines Ndezvekupenga

Staira inoitwa nemamwe ma Telecoms emuno ana Liquidhome, Telone etc yekuti ukapihwa line redata ronzi rinongoshanda nzvimbo/area one yakadhakwa. For example unotenga line ronzi rinoshanda ku Ruwa chete. Ukangopindira Harare harichatoshande rato chidhinha.
Zvinenge zvichidawo kuti line rishande kwese kwawaenda. Like zvakaitwa SmartBiz ye Econet. Line ravo rinoshanda kwese as long kune 4G/5G coverage.
Munhu hauzobude macost akawanda. Ekunzi tenga rimwe line kana uchida kushandisa ku new area yako. Kana kunzi base station rakazara ku area nyowani yauri kuda kuita connect.
Chete ndovanzwisisa vanenge vachida kuti vanhu vasapiringishane pa base station one, ndosaka vachiita zvavari kuita zvekuita geolock ma sim cards. Vanhu vakapiringishana network inodhakwa.
Ndiri kutorwadziwa ne sim card rangu re Liquidhome re wibroniks rakavharwa raishanda maareas ese. Pandakazoda kuita replacement haa ndikawana riri geolocked. Vachiti zvinhu zvachinja mazuvaano takupa ma sim cards ari geolocked.
Vakufanirwa kuwedzera mabase stations dai anga akawanda pasina drama rese iri rekuisa ma limitations pama sim cards. Nemamwe ma regulations orerutswa kuti zvifaye.