Gary Tight Adonhedza Famba

Gary Tight Adonhedza Famba

Pandakatanga kunzwa zita remuimbi uyu ndakangoti nechemumoyo haasi ane ukama na Willom Tight iyeye. Ndakatozoona kuti mwana wemuimbi akambopisa mazuva eurban grooves. 

Baba vake Willom Tight vakabura matrcks akambopisa ma days iwayo ndaive ku primary xul. Paive ne trck rekuti Wekumaruzevha haa iroro raigara richiridzwa ku ZBC munhu waipedzisira wakuziva ma lyrics uchida usingade. 

So zvinhu zvinofadza kuona mwana achitedzera ma footsteps ababa vake. Gary Tight akadonhedza vhidhiyo nyowani re trk rake Famba mazuva apfuura aya. Vanoda kuriona vhidhiyo racho mobaya apa.