Holy Ten Aramba Kupera

Holy Ten Aramba Kupera

Holy Ten akadonhedza bhama rake The Book Of Malachi musiwa 6 Ndira. Bhama rake rine ma trcks aipisa chaizvo ku YouTube uko achingo trender. Zvisinei muimbi akativimbisa mavhidhiyo ekuwanda after abva kubura bhama rake. Haasi kumira akuramba achingobura mavhidhiyo akati oooh. Ndakuchitaura zvandafambira.

Holy Ten akabura vhidhiyo nyowani re Ndoda Power iro rino feature vaimbi Michael Magz, Xiba na Mr Candy. Harishoreke harirwadze kuona vhidhiyo racho riri bho parakabuda ranga ratone 6K views pasina kana hour. Vaimbi vaaka feature pa Ndoda Power vanogona vane ma vocals ari dope. Pasina kana week vhidhiyo racho ranga rane 130K ma views.

Ndobva adonhedza kamwe pa vhale kanonzi Usavasekerere kano feature BLUEY na  Michael Magz. Aka ndeke ma haters ndofunga akatomera chibundu pahuro nekurwadziwa. After mazuva maviri ranga ratone 59K ma views apo richi trender riri pa number 3 ku YouTube. Voice remuimbi anonzi Bluey rakaipa.

Tichaona kuti achabura zvipi zvinyowani  muimbi Mutsvene Gumi parezvino akupisa mazi views ese ayo haangouuye zvekumhanya ku YouTube uko.