Kuvengwa Kwandakaitwa Nemusikana Wemumastreets

Kuvengwa Kwandakaitwa Nemusikana Wemumastreets

Ma Days aya ndaiwanzotaura neShona  munongoziva kuti chirungu chinondivhara kunge maths. Tweet riri pazasi apa rakashamisa vanhu vakawanda vamwe vachitofunga kuti pamwe account yanga yabiwa ndakaseka. Ndosaka ndarifukunura kubva mumwena ndikarikanda pano and nekukuudzai kanyaya or kahonzero (motivation) behind that tweet.

Ndoma days andaipisawo(Andaiva nembiri) zvekuti vasikana vaigara vachingo screamer mu comment section yema tweets angu. So there was this lady wemumastreets aigara achi commenta ma tweets angu andaikanda ma days aya. Ndakazongoti one day rega ndimbo Zoomer profile yake ndione eeh akatobatana mwana uyu. Ndakatoita ma days ndichitombomuongorora ndichida kuona kuti anotambika naye here kana kuti kwete. 

Mukuongorora ndikabva ndaona kuti eeh munhu weku uptown twirra( Kuma Salad) apa ini ndiri weku Downtown twirra (KuGhetto).Team rakawanda reku uptown twirra ma days aya raidedzera kuti hari tambe nevanhu ve NRZ(Zvitima) or Flag Twitter. Apa ndopandaita kufamba nazvo zvitima nekuisa twuma flags pa username. Ndikati ndini ndadii kana kutaura naye mumastreets ndanga ndakutotya. Zvekuti ma replies ake pama tweets angu ndanga ndisisiri kana kumbopindura kana kuisa like or retweet. 

After some days ndakazoona musikana uya andiita unfollow. Ndakangotiwo haa hameno tagara tiri vanhu vari muma levels akasiyana. Ma1 akati atanga ndaingoti ndikaposta tweet mumastreets iye obva apindura kamwe ka rough so kekuti waitoona kuti mmm munhu uyu ane chigumbu chete neni. Nema subs akatanga kukandwa zvekuti ndaitoona kuti ndini ndiri kurehwa. Ndakangoti muyedzo wangu uyu ndeupiko wandiri kuitirwa.

Zvakaramba zvichingoitika kuchovha maweeks zvema subs etc. One day ndakazongo zvishingisa ndobva ndapindira  ku inbox yemusikana uya. Ndaitya kutukwa kana kukandirwa ma screenshots mumastreets. Ma inbox agara achingotyisa kupindira aya. Tikatotanga kutaura mushe mushe ku inbox kunge vanhu vagara vachiwirirana kubva kudhara. Akabva adzosera chitevero( kunditerevera zvakare) Zvakatondishamisawo ndobva tazoronga kusanga pa Joina. 

To be Continued...  Ne Title yekuti Musi Wandakatiza Tweleb PaJoina.