Ndafunga Kutorera Tweleb Rimwe So Musikana Waro

Ndafunga Kutorera Tweleb Rimwe So Musikana Waro

Hantie ndakambokuudzai kuti kuva single kwakundirwadza. Soon zvinenge zvachinja ndinenge ndava murudo ndabuda mu single zone zvikafamba mushe.

Mazuva apfuura aya ndakaona rimwe Tweleb so remumastreets rakaposta tsvarakadenga rayo pa timeline ndakabva ndaiita kupenyerwa. Ndakutomudawo dakukumutorera munhu wake.

Handina kana tsitsi kana mercy. Kana ndamutorera anotsvaga mumwe vasikana vakawanda ava anoona yekutamba. Mwana akanaka iyeye ne first glance so hana yangu yakaita kurova. Yanga itori signal iyoyo kuti tora mwana uyo saka ndakumutora oita wangu.

Luck racho randaiita nderekuti mufesi wacho anopota achimu tagger tagger achimuita WCW. Haa panenge pasina basa rakawanda stereki. Ku inbox kwemusikana uyu ndatovako zviri kufamba.

Ndiri kutoda kuidira jecha relationship iyi. Hameno chero ndahwina munhu uyu. Mufesi uyo akusara asisina munhu wake. I can't wait kuona achiita delete twuma pics after zvadhakwa.

Ndini ndadii muyedzo wacho wandikurira. Kutoita ma advertisements evanhu venyu pa social media tinotora. Senge pa last week iyi vakatoposta havo mapics mumastreets vachiita kunge vari kucamping ka outing chii chii zvikupera soon izvi.

Anyway muchazoona zvaitika ndaita update ka relationship status soon. Ehe nditukei henyu muchinditi ndakuita hutsinye hameno ndiri kumutora chete.

Ndikutamba ndanga ndichi Joker ndiri nherera panyaya dzerudo ndinotoda kudiwawo.