Starlink yovhundutsa makambani ezve masai-sai kunge Chinenguwo
Ndafara chaizvo pandakanzwa kuti yavemo muno mumastreets nezuro manheru. Starlink it's an Internet service provider yakangoda kufanana nana Liquidhome, Powertel, Utande wat wat chazongosiyana ndezvekuti masai masai ayo e Internet anenge achibva netwuma satellites twuri mudenga.
Starlink now live in Zimbabwe ???????? pic.twitter.com/1Ze2vCvMGZ
— willard shoko (@WillarShoko) September 6, 2024
Mukanotarisa pa website yayo Starlink yakutoratidza kuti muno mu Zimbabwe it's now available sezvamuri kuona pamufananidzo uri pazasi apo. Kudhara yainyora kuti coming soon.
Yaa ndokuti ma local ISP achangamuke vaitidherera vachiita zvavanoda nesu. Pamwe angadzikise ma data packages avo nekuwedzera maspeeds. Mazuva apfuura aya ma local ISP anga akutoita panic. Econet yakabva yabura SmartBiz yayo ine bhakosi re data, anana Liquidhome, Telone ma lines avo akuita achibatika dzimwe nzvimbo. Kumwe kwainzi heee hee base station full kwakutanga kuita. Zvekuita geolock ma lines vachazvisiya chete.
Nditorine chigumbu nawo ese vachanzwa bhata. Ndaibatwa rough nema local ISP kumwe ndichitoudzwa kunzi kana muchiona kuti masai sai edu haasi kukuitirai bayai henyu kumwe. Apa unenge uchitokumbira kuti pamwe vawedzere ma speeds, or kuti masai sai avo asananaire. Havana tsitsi, vamwe ndovaidedzera kuti hatipe ma refunds vaingoti sorry zvotopfuura munhu woita loss hako. Vanenge vachitofunga kuti mari yatotenga nayo data ravo inenge ichitemwa mumuti kunge mashizha. Mbinga nemabhizimusi avaitemba navo vachatanga kutizira ku starlink uko.
Anyway back to nyaya Starlink yacho ine twuma packages twuviri Standard ne Mini.
Standard inenge ine hardware ikuita 350 yuwesi dhoraz then data package re 50usd. Then Mini hardware ikuitwa 200 yuwesi dhoraz data richiitwa 30usd. Pa data apo its unlimited zvemwedzi wese. Vanoda kuziva more mobaya pa website yayo apa. Izvi zvakanakira kuti munhu unogona kuzvitengera wega online pa website yavo pasina ma third parties anofanira kuisa zino.
Starlink’s high-speed, low-latency internet is now available in Zimbabwe! ????️????????❤️ → https://t.co/mMoEinum62 pic.twitter.com/0Yj2VopQNW
— Starlink (@Starlink) September 7, 2024