You reap what you sOw by REAP3R
Bhama nyowani raReap3r rinonzi 'you reap what you sow' rabuda nhasi uyezve rine mangoma anosvika iwo 16. Sekuziva kwangu kubva ndichiteerera nziyo dzechitendero dzemusambo wechimanje manje , mangungundengu inova iyo inonzi Hip Hop muchirungu handisat ndambosangana ne bhama rine mangoma akawanda kudai.
Haasingori mangoma njee ka aya ,aiwa pakabatwa basa apa uye vamwe vaimbi vakajambira pa bhama remukomana uyu havasi vepondo pondo maya pane the likes of Courtney Antipas, Leon Mwana Wajoze,TeqMula Boiz rine zodzo nevamwe vakawanda wanda.
Kune vasati vanzwa bhama iri aiwa riripo pamhepo chongotevera link iri unakirwe nemangoma tichirumbidza wedu musiki
https://push.fm/fl/zlfejtam