Ma Tweleb Ochemera Maraikisi

Ma Tweleb Ochemera Maraikisi

December yashungurudza ma Tweleb pamwe nema akaunzi madiki akawanda since ma likes ari kunetsa. Ma Twimbo akawanda anzwa nekutaura ega muma streets umu. Vakawanda varikuti izvi zviri kukonzerwa ne nyaya yekunetsa kwemagetsi munyika. 

Vamwewo varikuti problem yekushaya ma likes ikukonzerwa nekukwira kwe data. Ma akaunzi madiki ndiwo ari kusvetuka semajara chara nemufaro nokuda kwenyaya iyi. Vane ma akaunzi madiki varikuti zvinofadza kuonawo ma akaunzi mahombe achichema since vachimbo ignowa ma tweets avo. 

Chiri kunyanya kushamisa vakawanda ndechekuti kunyangwe vasikana vakanaka chaizvo varikuwana ma likes mashoma shoma. Imwe akaundi hombe yachema zvinosiririsa asi izvi hazvina kutadzisa vanhu kusiya tweet yacho. 

Tsvakurudzo yedu ikuratidza kuti muma streets vanhu varimo asi ma likes havasi kuda kuisa pese pese. Ma akaunzi akaita seya VaShadhaya irikuwana ma likes akawanda kwazvo, izvo zvinoratidza kuti ma streets azere vanhu.

Munguva dzakadai zvinotipa conclusion imwe chete: Vari kuwana ma likes ndivo vanopisa.