Kafoni aka kakambondirera

Iyi ndoyaive touch screen yangu yekutanga kushandisa. Kaive nekamwe kapen kandaishandisa kubaya baya pa screen. Foni iyi yainzi Donod D906.
Ndaikafarira kafoni ikaka kaiita kakupenyerera ka silver kacho. Kainge kasingareme plus big screen rekuonesa ma videos. Kaive neruzha kunge ma Gtide yakunzi Gtel mazuvaano. Kaipindirana nema battery emafoni eNokia. So waiti ukarasa battery or rikaita ma1 waikurumidza kuwana replacement.
Ndakazongorwadziwa pakakadhakwa kakaita zvekudonha muroad screen ndobva raiita mambara. Ndikakaisa mu museum yetwumafoni twangu twekare twandakamboshandisa twuri apa.
Ma specs ako ndoari pamufananidzo uri pazasi apo. Ndamawana ku mobile specs dot net. Ma days aya zve 4G kwanga kusinq ha ha taito browser net foni ichinyora ka G or ka E yaitove 2G chete.