Pese Pandoona Vanhu Vandakadzidza Navo KuXul Ndotiza

Pese Pandoona Vanhu Vandakadzidza Navo KuXul Ndotiza
Image by 12019 from Pixabay

Pese pandospota vanhu vandakadzidza nawo ku High School, Primary ne Var muma pathways mu town ndotiza etc. Its either ndochinja direction kana kuita plan yekuhwandisa face kakawanda ndichizviita. 

Umwe musi somewhere close to Holiday Inn muHarare CBD. Ndakanyatsoona kuti munhu uyu ndewe ku xul ndobva ndapfeka ma shades, lowered my face mbichana. Zvakashanda handina kuonekwa. 

Pamwe ndakanyatsopesana nemunhu wekuXul mupathway. Tikatarisana maziso  ini ndikaramba ndaka tenza kuita senga ndisingamuzive. Iye aitoti face iyi ndoizivira somewhere chete. Ndofunga paachaverenga chekupenga chino achangoti ndiye munhu wacho uyu. 

Umwe ndakamuona ndiri mu banking hall ye CBZ ndiri pa line rekutora mayuwesi. Ndakangodzikisa cap mbichana ndobva ndatarisa kuside ndichiita avoid kutarisa direction yaainge ari. 

Mumwe musi zvakashaya basa munhu wandaida kutiza weku high xul akandispota from afar. Akatoita zvekudaidza zita. Ndakawacha ndakaita kunzwa kuzarirwa nekushaya kuti ndodii ndichingoda kutiza panzvimbo. 

Handina kumbovavenga vanhu ava kungoti chete vazhinji vacho vanenge vachida kuziva zviri kuitika mu life yangu. Apa ndikati ndiri a private person handitode kuziviikanwa movement yangu. 

Vamwe ndivo vanenge vakuita show off ndobva ndaona kunge pasina zvandiri kuita mu life vanenge vakutondi stresser. Type iyi ndiyo yandaiwanzoita competition nayo pama marks after mazama tichiona kuti ndiani akunda umwe. 

Online ndakatochinja number nekuita anonymous. Vamwe ndombosangana navo mumastreets eTwirra ndotombotaura navo but havazive kuti ndini munhu uya uya wavakadzidza navo.

Ritori basa rekutiza vanhu vekuxul ava. Apa vakati vanenge vari kwese kwese ndiri kutopota ndichiita adjust ma strategies ekutiza vanhu vandakadzidza navo ava. Worse ukamira pa Joina City unovaona vakawanda. Kana muchifunga kuti ndikunyeba chimbozamai kumira pa Joina City munovaona. 

Ndicharamba ndichienderera mberi nechirongwa changu chekutiza vanhu vandakadzidza navo ava kusvika hameno.