Kusina amai hakuendwe

Ndarangarira 2019 pandaigara ku Glen Norah paChitubu apo. Ndaive mu new pa area, imba ndakanga ndakatsvagirwa ne friend yangu yaigara ikoko. Pane road yaibva kubhawa ichinobuda near ku Salvation Army yaiva nema tuckshop chete and ini ndaigara road yekupedzisira kwaiva near borehole.
Ma days iwayo ndaiva pa teaching practice pa St Peters Kubatana. Life yairwadza apa ghetto yut raifanira ku report for duty everyday. Ndaifamba netsoka daily kuenda ku Peters ndichidamburira nepama flats apo ndopfura nepa AFM (ndakanganwa zita re center yacho). Munongoziva pa Glen Norah kuti mvura ma1 but zesa raka joiner mutambo.
Those days taiita zvema levels but i think Glen Norah takangotanga tiri pa maximum level. Magetsi aiuya na 11 manheru oenda kuma 4am zvekuti ndaisamaona and ndandisina gas, those days gas raishandiswa nevane twumari mari. Boys ndakaita mwedzi ndisingabike ndaingoti ndikangodya pa lunch zvaibikirwa staff kubasa ndozozviona again mangwana pa lunch.
Mvura ndaizoita ka advantage kekuti ndaigara near borehole saka ndaizombotaimira vanhu vese varara ndoenda nema bucks nezvigubhu. Those days ndipo pandaka master the art yekuti mvura yemubucket one inofanira kukwana ku flush toilet zvese nekugeza. One time ndakati ndabva ku weekend ku Bindura ndapihwa twunyemba twangu ndikati rega ndimbobika.
Ndakasvika kusina zesa but ndakangoti rega ndigare nda sorter zvinhu zvangu. Ndakaisa nyimo muka 2l pot kaye ndabva ndabatidza stove ndikati zesa parinouya and mvura painozopera haa ndendamuka. Zuva iroro pakafamba Satan, ndakazopeputswa nehutsi hwepoto. Nyemba dzakanga dzatsva dzese and heat yakanga yakutotsoma poto.
Imba yese manje yaita kuvharirwa nehutsi hwenyemba. Dai maiziva nyemba dzinonhuwa and ndakaita 2 weeks kuti ndikwanise kuita get rid of that smell. It was in 2019 pandakaona kuti kusina mai hakundwe kani, ndakaonda kusvika kuita 50kg chaidzo.
DRIVER SERVICES AVAILABLE
Your Car, My Expertise
Seasoned driver available for hire. I'll provide top-notch driving services, ensuring your safety and comfort. Partner with me!
CONTACT BRIAN : 0776391135
NB: Tinouya kwese kwamunenge matishevedza