Musi wandakaitwa benzi mu bank

Musi wandakaitwa benzi mu bank
Image by Kevin Schneider from Pixabay

Handikanganwe 2012, umwe musi wandakamboenda ku Bank ndichida kuvhura a/c. Bank Teller akanyatsonditarisa akati une shuwa shuwa kuti ukuda kuvhura a/c ne Bank redu nezvawakaita izvozvi. I felt so poor and shocked kuti munhu uyu andi judger zve low level rakadaro.

Ndakatombozvitarisa ndichiti pamwe ndakapfeka marengenya. Ndikamuti ehe ndiri serious akandivhunza futi kuti are you sure. Akabuditsa mapepa amwe so aakanditi ndifille. Ndakatora mapepa aye ndikaisa muka bag kandanga ndinako ndikabuda mubhanka racho. 

Ndikadzokera kunorova ma rounds angu mu Town. Ndikati zviri nani kuisa mari yangu pasi pe pillow. Ma days iwayo vaida vanhu vane ma payslip. Kana wanga usina payslip waitosemesa. Even now vachiri kuita kahunhu ikako.