Kutenga Zvinhu Zvakachipa Kunodhura
Munhu unotenga zvakachipa uchiti uri kusevha wotozoona kuti, unenge wakutobuda mari more chinhu chadhakwa chakuda ma repairs. Dzimwe nguva chinenge chato chekurasa chisisaite kushandisa futi.
Like ka Pan kandakatenga mutown mu Harare umu. Ndakangokafraira mazai ka 2 chete kakabva katanga kukwatanuka. Apa ndaitofara kuti ndaona chakachipa ndichitiza ma pan ana Kango etc.
Even kudata chairo ndakambotenga rimwe data ranga rakachipa remamwe masai sai so. Uchingopedza kutenga network yobva yatiza kana kuti yobva yatanga kunanaira. Unobva wanyatsonzwisisa kuti why zvanga zvakachipa.
Saka mazuvaano ndikaona chinhu chakachipa ndotanga ndamboita sample ka1 ndoona kuti chisvinu here. Kana zvakadhakwa ndobva ndasiyana nazvo, kana zviri bho ndobva ndatenga in bulk.