Mazuva andaivhura hombe kuchikoro 2

Mazuva andaivhura hombe kuchikoro 2

Vanga vasati vaverenga part 1 munoibata apa.


Pandaivapa comfort yechikuru ndopandakanyatsoona time yekutaririsisa ndisingabirire sezvandaiita mazuva ose. Miss Njoro vaive mwana akanga akaumbwa musiki achada. Vaive mupfupi vaneganda remvura and complexion yavo yaive itema mbichana kuchirungu inonzi blackmagic.

Kabody kari nice nemaside pockets pavari kkkk im sure mese marasika apa ndikutaura mahips. Medhemu vangu ava vaiita kuti mukoma ne munin'ina vavengane. Takagara mubaseroom mavo she asked me if l can take mabooks avai marker kumotokari yavo. Tese tinongoziva kana mokomana oda bhebhi anoita zvese zviri mumasimba ake kuti ariwane.

Ndakadzoka kubva kumotokari ndine mazi confidence ekukumbira nhamba yavo yerunhare. Mazuva aya maphone aiitwa nevanhu vanoenda kumabasa kwete zvaveko mazuvaano zvekuflooder. Kwakanga kusati kwava nezvana Whatsapp kana ana Facebook. She was shocked havo since vaiziva mbiri yemukomana. Ndakangoti chikoro chichipera ndakamhanya pacallbox yaive pa Chipadze shop paye patinoti pabhawa remachembere.

I called medhemu vedu vaye ndakavabvunza if husband yavo yakumbira ruregererero and she told me kuti akanga atotakura twake twose aenda. Ndakavaudza kuti don't worry you will find somone like me Jokingly then l had to hang up the phone. The following day Friday apana chakaitika you all know zvinoita munhu ari guilty kuti anongo avoider kusangana nemunhu iyeye.

I spend weekend yese ndichigaya plan how to ask my teacher out. Shy guys we are good at planning our things but atizokwanise kuita excute the plan. Weekend iyoyo madays akandifambira zvandisina kunzwisisa ndakazongoona yave Monday. Kusvika kweMonday zvaireva kuti maproblems ese re-appear this time aisave maacademic problems asi mapersonal problems.

Monday iyi yakasvika ndakavarairwa asi ndakange ndakaigadzirira. Katrousers kangu kekuchikoro ndakanga ndakakaisa miponi 5 zvaitove zvekuno impressor chimoko chakanga chaba moyo wangu. Assembly yakangoti ichipera, ndakarumirira muromo wangu uyundiwo waindipa mazi confidence ndikati ndorambwa ndasvika. Ende chimwe chaindipa simba rekunoudza medhemu vangu kuti ndokudai ndechekuti ndaiziva kuti vari heartbroken saka ndaida kunoisa plaster moyo iwowo.

Ndakachinja kastep ndikatanga kurova kemumovie ndomazuva Love Don't Cost A Thing payaitipengesa hedu. Ndakavati "Mam can l talk to you for a second". Vakandipa mhinduro yekuti kana neni ndakati haa uku akuna changu vakangoti "Ahh watanga kuda kundinetsa go wait for me kubaseroom kwangu". Mese munongoziva kana waudzwa rough makumbo anorema kusimudza aya, ndakaita kunge ndiri kufamba mudesert.

I had to make a point yekuti andizi shumba yepa matches thats why ndakaenda kunomira kubaseroom. Hapana kutora hapo chinguva medhemu vakabva vapfekera pabaseroom pavo. "Nhai Mc Don ukudei kwandiri zvaukutoita take take neni ", ndiwo waive mubvunzo wavo wekutanga. Havana kundipa nguva yeku batanidza vakabva vandiponda neumwe "kana uchitaura unotanga wafunga here nekuti zvaunotaura sometimes azvitaurwe nemunhu anofunga". 

Vakabva havo vamirira mhinduro yangu. "Lorraine you need me and l also need you" ndini hangu uyu ndakanenge ndopindura and ndiwo waive musi wekutanga kushandisa first name ravo. " I love you ndoda kuva newe zvamuchose", ndakange kaa ndoshandisa chirungu semunhu aiita Lits and mazwi aya ndakamataura ndichisweater kkk munongoziva zvinoita boys rinotya vasikana. Miss Njoro vakanditarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi iye iye yamunoti head to toe. "Ncaa asi mwana uyu so rega ndinomuudzira headmaster kana kuti senior master". Vakadaro vachisimuka pachair yavainge vakagara vakananga ku Administration Block. 

 

Mazuva andaivhura hombe kuchikoro 1